‘Mbeu dziri ti-i’

MAKAMBANI anouchiika mbeu dzezvirimwa zvakasiyana munyika muno akavimbisa kuti ane mbeu inokwanirana apo varimi vari kugadzirira kurima mwaka wezhizha unotevera.
VaIvan Craig vekuSeed Co vanoti kambani yavo ine mbeu yakawanda zvikuru.
“Isu vekambani yeSeed Co tinozivikanwa nekugona, tichipa varimi mbeu yavanoda nenguva saka mbeu yose yavanoda tinayo yava muzvitoro zvatinodyidzana nazvo zvakatekeshera kunzvimbo dzose, “ vakadaro VaCraig.

Vanoti vane mhando dzembeu dzinozivikanwa nedzimwe itsva idzo vakakurudzira varimi kutenga.
“Isu sekambani inotengesa mbeu tinoti varimi ngavatenge mbeu nenguva vofambirana nemwaka. Tine mbeu dzose dzinosanganisira yechibage, maringazuva, mapfunde, gorosi nebhinzi iyo varimi vanogona kuwana kunzvimbo dzose dzenyika ino,” vakadaro.

Zvakadaro, vakakurudzira varimi kuti vatenge mbeu inofambirana nematunhu avo.
“Kana uine shamwari inobva kwaMutoko iwe uchibva kuHurungwe musatevedzerane pakutenga mbeu nekuti mamiriro enzvimbo dzamunobva akasiyana, tengai mbeu yamunotaurirwa nenyanzvi dzezvekurima,” vakadaro.

VaSimbarashe Gawa vanova regional marketing agronomist kumbani yePioneer Seeds vakatsinhirawo kuti vane mbeu yakawanda.

“Mbeu iriko vamwe varimi vakatotenga kare, tine mhando dzakasiyana saka varimi ngavatenge nguva iripo,” vakadaro VaGawa.

Vanoti vanotarisira kuti mvura ichanaya zvakaringana zvichitevera mashoko akaziviswa nenyanzvi dzinoona nezvemamiriro ekunze ekuti mvura ichanaya zvakanaka mwaka wezhizha uri kutevera.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×