Mbuya (60) vapisa muzukuru nenyimo vachiti aba US$20

Lovemore Kadzura

CHEMBERE ine makore 60 okuberekwa yekwaMarange inonzi yakashungurudza muzukuru wayo nekumupisa nenyimo idzo yakaisa mukati mehembe dzake mushure mekumupomera kuti aive aba US$20 pane imwe takishopu yeko.

Mbuya ava vakatosungwa nekuda kwemhosva iyi.

Mwana uyu anonzi aigara naambuya vake mubhuku raRubatso sezvo amai vake vakaroorwa kechipiri kuHot Springs.

Akatsva zvakanyanya uye akatora nguva yakareba asina kuendeswa kuchipatara sezvo amai vake vakanga vasingadi kumhan’ara nyaya iyi.

Gure iri rakazobuda pachena mushure mekunge nyaya iyi yatenderedzwa pamadandemutande akasiyana neveruzhinji.

Mutauriri wemapurisa kuManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya iyi.

Vanot amai vemwana uyu vakazomutora kubva kwaMarange kuenda naye kuHot Springs sezvo vaisada kuti amai vavo vasungwe.

“Musi wa24 Zvita 2025, nyakupomerwa mhosva akatuma mwana uyu kumatakishopu, ndokuzonzi ainge aba US$20 kumatakishopu ikoko.

“Ambuya ava vakatora nyimo dzakakangwa dzaipisa ndokuisa mukati mehembe dzemwana uyu senzira yekumumanikidza kuti areurure mhosva yake,” vanodaro.

Mwana uyu anonzi akarohwa zvakare nechamboko izvo zvakaita kuti akuvare zvakanyanya.

“Musi wa14 Ndira, 2026, amai vacho vakashanyira ambuya ava apo mwana uyu akarondedzera nyaya iyi ndokuratidza amai vake maronda, asi havana kuita hanya yekumhan’ara nyaya iyi kumapurisa,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Vanoenderera mberi vachiti: “Amai vemwana uyu vaida kumusiya ari mumaoko emusungwa asi akaramba kusara ndokuenda naamai vake kuHot Springs uko vari kugara.

“Havana kumhan’ara nyaya iyi kumapurisa nechikonzero chekuti vaisada kuti ambuya ava vasungwe sezvo vari ivo vaichengeta mwanasikana wavo uyu.

“Nyaya iyi yakazobuda pachena mushure mekunge yatenderera paSocial Media, vanhu vakazonyeurira mapurisa izvo zvakazoita kuti ambuya ava vasungwe.

“Mwana uyu akaendeswa kuVictoria Chitepo Provincial Hospital kuti anoongororwa pamwe nekurapwa.”

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *