Mbuya nemuzukuru wechirume . . .

… votumirana mifananidzo vari musvo

Tafadzwa Mutsotso —
MUDZIMAI wekupomerwa kutumira mifananidzo yake ari musvo kumuzukururume akaudza dare kuti murume wake anogara achimurova uye gore rapera paKirisimasi akamuzvambaradza mushure mekunge aenda kunotamba redhiyo pamba pemuvakidzani wavo.

Precious Masango akaendesa murume wake, Thulani Kangani, kuHarare Civil Court achiti anogara achimurova nekumunyima midziyo yake.

“Anondinyepera kuti ndiri pfambi achiudza vanhu kuti ndakapomba nemuzukuru wake. Ndakabva pamba nekuti baba vanorova zvavo ivava. Apa vanondirovera nyaya dzisina kana maturo. Gore rapera, musi weKirisimasi chaiwo, akandirovera kuti ndaitambirei redhiyo panext door,” akadaro Masango.

Masango akaenderera mberi achiti: “Anongondituka pose patasangana, hazvinei kuti ndakamusiya kuti asununguke sezvaaida. Anorwadziwa kundiona ndichifara. Akandivimbisa kuti achandirova kusvika ndafa.” Akati Kangani ari kumurambidza kuti atore midziyo yake yakasara kumba kwake.

“Ndinomuti ndinoda kunotora midziyo yangu asi anonditi ndikasvika kumba ikoko chete anondirova ndikafa,” akadaro.

Kangani akaudza dare kuti haasisina basa naMasango sezvo akamubata achitumirana nemuzukuru wake mifananidzo yavo vasina kupfeka.

“Handichina basa naye ini, ngaaite zvechipfambi zvake. Ndakatoona mifananidzo yavaitumirana vakashama nemuzukuru wangu.

“Mhuri yedu yose inozviziva zvekuti kutiza kwaakaita kumba kwaitove kunyara nyaya dzake. Haana kumbobvira nyaya dzekurohwa dzaari kutaura idzi.

“Midziyo yake ndakamuudza kuti auye atore asi anenge ari kutya kuti akauya ndinomurova saka ave kuda kushandisa gwaro iri kusvika pamba,” akadaro Kangani.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Masango gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *