Mbuya vashaya mari yekurapwa

Muchaneta Chimuka
Mukadzi chembere weku-   Epworth, muHarare, ari kutsvaga rubatsiro rwekuti inovhenekwa uye kurapwa chirwere icho inofungira kuti igomarara.

Mbuya Eunice Mwamandi (69) vanoti vava nemakore matatu vachitambudzwa nechirwere ichi, chinova chiri kuvadya muzvidya zvavo zvose uye vari kukundikana kuwana mari inodiwa nemachiremba kuti vanovhenekwa.

Asi Hurumende yakadzika mutemo unoti vana vari pasi pemakore mashanu, madzimai akazvitakura nevaya vakwegura vava nemakore anodarika 65 okuzvarwa vanofanirwa kurapwa pachena.

“Chirwere chandinacho machiremba ekumusha kwangu kuHeadlands vanoti vanofungidzira kuti igomarara. Vakanditi pamazipundu aya ari kubuda vanoda $115 yekuti vacheke chinyama (biopsy) kuitira kuti vavheneke nemichina yavo vagoziva kuti igomarara remhando ipi.

Mbuya Mwamandi vachiratidza mapundu ari pagumbo ravo.

“Ndiri kutoshaya mari iri kudiwa, vana vangu havashande, ndakatounzwa kuno kuEpworth nemuroora achiti pamwe ndingabatsirwa asi zvaramba. Ava makore matatu azere ndichiyawura nemarwadzo,” vanodaro Mbuya Mwamandi.

Vanoda kubatsira ambuya ava vanokwanisa kufonera mwanakomana wavo Charles Mwamadi panhare dzinoti 0771470881 kana kutumira mari neEcoCash panhamba dzimwe chetedzo.

Vanogona zvakare kufonera muroora wavo Priscah Kasu panhare dzinoti 0778 461 229.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *