Mbuya vekuroya nenyoka vakafa

CHEMBERE yekuZhombe, iyo yakubuda pachena ichiti inoroya zvemandiriri uye kuti haichada mabasa erima aya mushure mekunge yatyorwa gumbo apo zvikwata zvevaroyi zvairwira nyama yekamwana, yakashaika neMugovera wakadarika mushure mekurwara kwenguva pfupi.

Mbuya Diana Chibhago Manjengwa (87) vemubhuku raMakota, kwaMambo Gwesela, nguva yadarika vakabuda muKwayedza vachiti ivo nechikwata chavo chevaroyi vakadya nyama dzevanhu vanosvika 20 avo vavakaroya.

Chembere iyi yakati zvakare yakatyorwa gumbo apo vairwira nyama yekamwana nechimwewo chikwata chevaroyi.

Mwanasikana waMbuya Manjengwa, Kurai Manjengwa (40), anotsinhira kuti amai vake vakafa svondo rapera ndokuvigwa musi weChipiri svondo rino.

“Amai vakashaika mushure mekurwara kwenguva pfupi tikavaviga kuno kuZhombe pamba pavo. Hapana chakaipa chakaonekwa panhamo pavo zvisinei kuti vamwe vanhu vemusha vakaramwa kuuya panhamo iyi.

“Pakangouya vanhu vashoma uye tinofungira kuti izvi zvakakonzerwa nekuda kwemabasa aibatwa naamai vangu, hamheno,” anodaroro Kurai. Mambo Gwesela nemumiriri wavo, VaPetros Mancitshana, vose vanonzi havana kukwanisa kuenda kurufu rwambuya ava. Mbuya Manjengwa nguva yadarika vakabatirwa mukweshwa wenyoka pamba pavo nechikwata cheZinatha icho chaisanganisiria muporofita nen’anga.

Vakati nyoka iyi vaiishandisa nevamwe vavo mukuroya.

Zvakadai, VaMancitshana pavakataurwa navo neKwayedza panhare vanoti Mbuya Manjengwa vakareurura mabasa avo akaipa kuratidza kuti vakange vasisade zvekuroya.“Nhoroondo yambuya ava chidzidzo kuruzhinji, kuti tisazowana vanhu vanobata-bata zvakare panyaya dzehuroyi. Tinoti vakafamba zvakanaka mushure mekurasa zvakaipa zvavo,” vanodaro VaMancitshana.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *