‘Mhan’arirai vanhu vamusina idi navo’

Tandayi Motsi

BAZI reutano nekurerwa kwevana riri kukurudzira veruzhinji kuti vatevedzere matanho ose anodiwa mukuzvidzivirira kuti vasatapurirwe Covid-19 uye kuti vamhan’arire vanhu vanobva kunze kwenyika avo vavaine fungidziro yekuti havana kuongororwa chirwere ichi kunzvimbo dzakamirira kuita izvi sezvinodiwa nemutemo.

Kurudziro iyi iri kuuya panguva iyo Zimbabwe kusvika nemusi weChitatu svondo rino yange yave nevanhu 885 vabatwa vaine Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa.

Pavanhu ava, varwere 206 vakatonaya asi vamwe vapfumbamwe vakafa.

Covid-19 inokonzerwa nehutachiona hunodaidzwa kuti coronavirus.

“Kuti uzvidzivirire pamwe chete nevamwe kubva kuCovid-19, mhan’arira kune vanoona nezveutano vanhu vari kubva kunze kwenyika avo vauine fungidziro yekuti havana kudarika nekunzvimbo dziri kumbochengetwa vanhu vachivhenekwa chirwere ichi,” rinodaro bazi iri.

Pasi pemutemo wakananga kumisa kupararira kwechirwere ichi, vose vari kubva kunze kwenyika vanofanirwa kumbochengetwa kwavo voga kwemazuva ari pakati pe10 ne13 vachiongororwa kuti havana Covid-19 here.

Vasina zviratidzo zvechirwere ichi ndivo vanogara munzvimbo idzi kwemazuva 10 asi vane zviratidzo vachigara kwemazuva 13 sezvinokurudzirwa nesangano rezveutano repasi rose reWorld Health Organisation.

Vanhu vari kunyanya kubatwa vaine Covid-19 ndevari kubva kunze kwenyika, zvikuru kunyika dziri kukurumbira chirwere ichi sekuSouth Africa.

Zimbabwe yakave nemunhu wekutanga kubatwa neCovid-19 musi wa19 Kurume 2020 uye huwandu hwevari kubatwa nechirwere ichi huri kukwira.

Senzira yekurwisa kupararira kwechirwere ichi, Hurumende iri kutora matanho anosanganisira chirongwa chekuti vanhu vasafambe-fambe zvisina tsarukano, kusaita chitsokotsoko uye nekupfeka mamasiki nguva dzose kana vachienda panzvimbo dzine veruzhinji.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×