‘Mhanzi ngaive nedzidziso’

Abel Ndooka
MUIMBI wemusambo weAfro-fusion, Admire Sanyanga Sibanda – uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti “Chief Hwenje” – anoti mhanzi mutauro unodzidzisa nekudaro vaimbi vanofanira kuparidza mashoko anovaka veruzhinji.

Chief Hwenje, uyo uchangobva kubura dambarefu rechitatu rinonzi “Akonzera”, anoti vaimbi havafanire kungobuditsa mhanzi isina chirevo.

“Mhanzi mutauro wakadzika uye kazhinji zvatinoimba zvinoteererwa nevatsigiri vedu saka zvakakosha kuti tinyore nziyo dzinovaka kwete kungonzi ndaimba nekuti mhanzi mutauro.

“Sevaimbi, tiri mucherechedzo wekwatinobva saka ngatishandise mhanzi kuvaka kwete kuputsa kana kuparadza,” anodaro Chief Hwenje.

Parizvino Chief Hwenje ari mushishi kubika vhidhiyo yekambo kanonzi “Unondipedza simba” ako akatsikisa naPah Chihera uye vhidhiyo racho richange richikotsverwa neVerenga Empire. Muchinda uyu akamboshanda nevamwe vaimbi vanosanganisira Andy Muridzo, Sugar Sugar, Gift Amuli naTendai Chimombe.

“Sangano reVerenga Empire rakandisanganisa naPah Chihera uye ndivo vari kukotsvera vhidhiyo rekambo kangu kanonzi Unondipedza simba ako takatsikisa tose.

“Vhidhiyo racho rakatobikwa uye tiri kuritarisira kubuda kupera kwemwedzi uno. Kushanda nevamwe vaimbi kwakanaka chose sezvo kuchitibatsira kusimudzira mhanzi yedu,” anodaro.

Muimbi uyu akambotsikisa mamwe madambarefu anoti Chembere iro rakaburitswa gore radarika kozoti Hwenje Tiri Musango ra2006.

Chief Hwenje parizvino ari kushanda neBoth Media Studios iyo iri kutsikisa mhanzi yake pamwe nekuitengesa.

 

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×