Mhanzi yangu ndeyezodzo: Magwada

MUIMBI wenziyo dzechitendero ari kusimukira, Florence Magwada, anoti akatanga zvekuimba pamwe nekutsikisa mhanzi yemusambo uyu mushure mekunge anzwa izwi raiti anofanira kuparidzira shoko raMwari kune veruzhinji.

Mwagwada, uyo anogara kuSouth Africa, parizvino akabura dambarefu rake rekutanga rinonzi Mufudzi Wangu.

“Mhanzi yakangouya kwandiri ndisingazvifungire apo ndakanzwa izwi richiti ndinofanira kuparidza shoko raMwari ndikati regai ndibatisise nekuti iyi inzira yekurumbidza Mwari wangu.

“Munyika muzere nezvitadzo zviri kuitika saka ini ndiri kushandisa mhanzi yangu kuti ndigotendeutsa vanhu vatevere vhangeri ratakasirwa naJesu Kristu,” anodaro Magwada.

Anoti chishuwo chake ndechekuti mhanzi yake iite mukurumbira muZimbabwe sezvairi kuita kunze kwenyika.

Parizvino ari mushishi yekuvaka chikwata chake chemuno icho achazoshanda nacho paanouya kuzoita mashoo muZimbabwe.

“KuSouth Africa mhanzi yangu yakatambirwa uye rutsigiro rwandinowana kubva kumakereke akasiyana kwandinosimboridza runofadza zvikuru nekudaro ndinotarisira kuvaka zita rangu muno.

“Panguva ino ndave kumboumba chikwata changu icho ndichange ndichizoshanda nacho muno pose pandinenge ndauya kuzoridza uye ndinovimba kuti zvichandibatsira kukura mumhanzi,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Nguva yatatarisana nayo yeKisimusi iyi panoitika zvinhu zvakawanda saka isu sevaimbi venziyo dzechitendero tinofanirwa kunge tiri kushanda zvakasimba mukuparidza vhangeri raJehovha kuti vanhu vave nezororo rakanaka.”

Dambarefu raMagwada — Mufudzi wangu — rine nziyo dzinoti Ndinochema, Asi Jesu, Anouya, Mufudzi wangu, Ndimi Chete, Makanaka naNdinouya Kwamuri.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *