Vopaka mota neEcoCash

KAMBANI yeEconet Wireless yobatana nekanzuru yeguta reHarare mukurerutsira vatyairi vanoda kupaka motokari dzavo mukati meguta sezvo vave kukwanisa kubhadhara mari kuburikidza neEcoCash pasi pechirongwa cheEcoCash Ta!

Chamangwiza weEconet Wireless, VaDouglas Mboweni, vanoti vanofara zvikuru nechirongwa chitsva ichi.

“Tinonzwa kuzvininipisa uye tinotenda kambani yeCity Parking (Pvt) Ltd nekuda kwechibvumirano chataita ichi. Tatora danho iri nechinangwa chekurerutsira makasitoma edu uye tichifambiranawo nezviri kuitika muchikamu chezvemari,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naNatalie Jabangwe-Morris, uyo anove general manager weEcoCash achiti: “Hapasisina chikonzero chekuti makasitoma edu agare akatakura mari yekubhadhara kana vachida kupaka motokari dzavo.”

Anoti nzira yekubhadhara neEcoCash iyi iri nyore uye haitore nguva yakareba.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *