Mhanzi yeZim ngaitekeshere

Abel Ndooka

Muimbi weSungura, Lucky Kumene, anoti yasvika nguva yekuti mhanzi inobikwa muno ichitanga kunetsa kunze kwenyika uye vaimbi vachishev- edzwa kuzoridza kumashoo makuru kunyika dzinosanganisira dziri mudunhu reSadc, Europe uye nekuAmerica.

Kumene, uyo anotungamirira chikwata chePower Express, mumwe wevaimbi veSungura vari kusimukira. Anoti zita rake rapfumbira muno uye ave kutarisira kunoridza kune dzimwe nyika.

“Makore adarika, ndange ndichishanda ndichin- yatsovaka zita rangu, iye zvino ndasvika panguva yekuti ndave kukwanisa kuendawo kunoridza kunze kwenyika, ndichitanga nemuSadc ndozoti kuEurope, America nekuAsia.

“Kunze kwenyika kwakazara zvizvarwa zve- muZimbabwe zvinotoshaya kuti votionera kupi tichiridza. Ndine vatsigiri vakawanda vanogara vachindifonera vachindibvunza kuti ndichauya rinhi kuzoridza kwavari. Saka ndine vamwe vandiri kuronga navo kuti ndiende kuEurope. Mukana uyu hauuye nyore, unotoda kuti semuimbi ushande nesimba uye ugare wakazvininipisa.

“Saka ndokurudzira vamwe vaimbi kuti tifambe tese negwara iri. Kuti tizvikwanise izvi, tinofanirwa kubika mhanzi yepamusoro yekuti tega tinosiya vatsigiri vachida imwe,” anodaro.

Kumene vatsigiri vanonyanya kumuziva nen- ziyo dzakanetsa dzinosanganisira Tomutsa Dhewa, Poronki, Vape Moyo (Clika Rudo) naNgoda yaM- wari.

Muimbi uyu anoti anoyemura zvikuru mhanzi yamushakabvu Tongai “Dhewa” Moyo uyo aitunga- mira chikwata cheUtakataka Express.

Anoti anodawo kutevera mumatsimba ake nekuenda kunoridza kunyika dzakasiyana dzaka- ridzwa naDhewa dzinosanganisira Botswana, South Africa nekuUnited Kingdom.

“Dhewa aive akarongeka murume uye, ini ndi- noshuvirawo kuti ndisvike padanho raakasvika uye ndiri kuramba ndichishanda nesimba kuti ndigokwanisawo kunoridza kunyika dzaakaenda akanoridza.

“Hapana chinombonditadzisa nekuti chinon- godiwa chete semuimbi kuramba uchingoshanda nesimba mubasa rako,” anodaro Kumene.

Kubvira achitanga kuimba, Kumene atsikisa madambarefu matatu anoti Poronki (2015), Vape Moyo (2016) naNgoda yaMwari (2018).

Anoti parizvino ari mushishi kubika dambarefu rake rechina.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *