Rwisai zvirwere zvezvirimwa: ZFU

Kingstone Mapupu

Sangano rinomirira varimi reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rokurudzira kuti vatore matanho ekurwisa zvirwere zvakasiyana zvinobata zvirimwa munguva ino yekunaya kwemvura.

VaPaul Zakariya vanova ZFU executive director vanoti kuburikidza nekunaya kwemvura, zvirimwa zvizhinji zviri kuita zvakanaka zvikuru asi zvinofambiranawo nekuwanda kwetumbuyu tunoparadza mbesa.

“Tiri kutenda Nyadenga kuti mvura yakamboti netsei munguva yekutanga yave kunaya kunzvimbo zhinji dzenyika uye zvirimwa zvedu zvave kuita zvakanaka. Asi, dambudziko redu guru panonaya mvura kudai zvirimwa zvedu chingava chibage, nzungu, nyimo, bhinzi nezvimwe zvakasiyana zvinobat- wawo nezvirwere zvakatsaukana, vanodaro VaZakariya. Vanoti panokura zvirimwa zvichiwana mvura inokwanirana, inguva inowanikwa tumbuyu twakawanda tunokonzerawo zvirwere.

“Panokura zvirimwa zvinokurirana nesora uyewo tumbuyu tunosanganisira hwiza, makonye uye kunyangwe shiri chaidzo dzinowanikwa dzichidya zvirimwa zvedu. Saka sevarimi ngatishandei nevarimisi vari kumatunhu kwedu nevemakambani anotengesa mishonga yezvirimwa kuti tikwanise kuwana mishonga yekumwaya muzvirimwa zvedu tirwisane nezvirwere,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti varimi vazhinji vakarima zvirimwa zvidiki zvinosanganisira bhinzi, mbambaira nematomatisi izvo zvinoda kufiritwa nemishonga kuti vagova negoho guru.

“Hakuna chirimwa chinoita zvakanaka chisingamwaiwe mishonga yekuuraya tumbuyu nekurapa zvirwere. Sevarimi, tikaita izvozvo goho redu rinokura zvakanaka zvikuru tigokohwa,” vanodaro VaZakariya.

Vanoenderera mberi vachiti, “Kurima ibasa rakangofa- nana nerevanhu vanomukira kumakambani kwavanoshanda vari, unomukirako woswerako saka hatiitei zvimwechete nesu varimi.”

VaZakariya vanoyambira varimi kuti vasatenge mishonga yekufiritisa zvirimwa pamusika wemukoto kana kuvanhu vanoz- vifambira vachiti zvine njodzi yekuti vanotengeserwa mishonga yemanyepo.

Vanotiwo varimi vanogona kutora mukana wemvura iri kunaya kuisa feteraiza muz- virimwa zvavo sezvo ivhu richakanyorova kuti igokwanisa kushanda zvakanaka.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *