‘Mhanzi yezvinyadzi bodo’

Abel Ndooka —
MUIMBI weSungura ane mukurumbira, Mitchell Jambo, anoti mhanzi yave kuridzwa nevamwe vaimbi mazuva ano inonyadzisa zvikuru zvekuti haikodzeri kunge ichiridzwa panhepfenyuro kana dzimwe nzvimbo dzinotandarira veruzhinji.

Muhurukuro neKwayedza nguva pfupi yadarika, Jambo anoti vamwe vaimbi – zvikuru vemusambo weZim-dancehall vari kunyanya kutsikisa mhanzi ine zvinyadzi isina hunhu hwainodzidzisa kuvatereri.

“Isu tichitanga kuimba, mhanzi yakadai yaisambotenderwa nekuti pachivanhu chedu hatizvigamuchire.

“Zvinhu zvinonyadza zvekuti hautombokwanise kuiterera uine vanyarikani. Vaimbi, zvikuru vechidiki, ngavaite hunhu uye vazive zvekuimba zvinovaka kwete zvinyadzi zvisina chimiro,” anodaro Jambo.

Muimbi uyu anozivikanwa achiridza nechikwata cheSungura Boys uye akaita mukurumbira nenziyo dzinoti Vimbiso naNdini Uyo.

“Iwo mastudhiyo ari kungonyuka aya ndiwo anotendera kuti mhanzi iyi isina maturo itsikiswe,” anodaro Jambo.

Anoenderera mberi achiti, “Mhanzi ngaive nechainodzidzisa, ine chiedza kwete zvisina maturo. Ndosaka vana vazhinji vari kurasa tsika dzavo kuda kwemimhanzi yavanoteerera isina hunhu.

“Isu panguva yedu pataitsikisa mhanzi waitanga wabvunzwa zvauri kuda kuimba zvotariswa uye kana zvisina maturo waisapihwa mukana wekutsikisa. Saka ndizvo zvatiri kuda kuona zvichitika.”

Muimbi uyu parizvino ave kugara kuSouth Africa uko ari kuita mabasa akasiyana-siyana ekutengesa.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *