Mhemberero dzeWorld aids Day

MUMAZUVA makumi maviri nemashanu anotevera, tichange tichibatana nenyika dzepasi rose mukupemberera zuva guru reWorld AIDS Day. Gore rino, mhemberero idzi dzichange dzichiitirwa kuWhite City Stadium, kuBulawayo pasi pedingindira rinoti: “Kuvhara pombi dzinomutsa utachiona hutsva hweHIV”.

Mhemberero dzemhando iyi dzinoitwa mumatunhu gumi asi dzichitenderera nzvimbo nenzvimbo.

Pazuva iri, vanhu vachange vachipangwa mazano uye pachaitwa mitambo inotandadza.

Munhu wese ari kukokwa pachiitiko chepasi rose ichi.

Kune vanoda kupinda muchirongwa ichi, vanokwanisa kubata sangano reNational AIDS Council kuti vanzwe zvizere.

Mugore ra2013, mhemberero idzi dzakaitwa paGarwe Stadium kuChivhu, kudunhu reMashonaland East pasi pedingindira rinoti: “Kupedza HIV, ibasa rangu, ibasa rako”.

Dzimwe mhemberero dzerudzi urwu dzakaitwa kuVictoria Falls, kudunhu reMatabeleland North Province pasi peAfrican Union Commission.

Nyika dzose dziri musangano reAfrican Union dzakanga dzakamiririrwa pachirongwa chikuru ichi.

Muna 2015, mhemberero idzi dzakaitwa mudunhu reHarare dzichifambirana nechirongwa cheInternational Conference on AIDS and STIs in Africa (ICASA).

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *