Mhinduro yezvimiso

Munyaradzi Gunduza

SVONDO rapfuura takakusiirai basa rokuita tichiti mushandise zvimiso zvakanaka pakandima kadiki katakakupai.

Zvino svondo rino tinokupai mhinduro dzinotarisirwa pamibvunzo yamakasangana nayo. Asi tisati takupai mhinduro idzi, ngatimbotangai tatarisa mhinduro dzakatumirwa nevamwe venyu;

* * *

Nicole T Muchedzi, Form 4 Markbuits Exllence, 071 238 5989 – Tafadzwa aenda kunofudza mombe naTendai, Tapiwa, Chido naMary. Hapana ari kuziva kuti vanodzoka nguvai, asi vanowanzodzoka husiku chaiwo.

* * *

Ronia Macheka, Kambuzuma 1 High School – Tafadzwa aenda kunofudza mombe naTendai, Tapiwa, Chido naMary. Hapana ari kuziva kuti vanodzoka nguvai, asi vanowanzodzoka husiku chaihwo.

* * *

Heinoi mhinduro dzinotarisirwa neveKwayedza

Mhinduro:

Tafadzwa aenda kundofudza mombe naTendai, Tapiwa, Chido naMary. Hapana ari kuziva kuti vanodzoka nguvai asi vanowanzodzoka usiku chaihwo. [10]

Svondo rinouya tinoenderera mberi nekuburitsa mazita evadzidzi vanenge vatumira mhinduro.

Avo vane mazita asina kukwanisa kubuda mubepa nhasi, muchine mukana wekutumirazve mhinduro dzenyu uye mune mukana wakakura wekuti munge muchihwinhawo.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *