Varwere vorapwa mahara

Abel Ndooka

Vagari vekwaZiko, kwaSeke, svondo rino vachange vachirapwa nekuvhenekwa zvirwere zvakasiyana pachena kuburikidza nechirongwa chiri kuitwa nevabvuwi vechechi yeUnited Methodist Church.

Mumazuva maviri anoti China neChishanu, varwereu kubva munzvimbo dzakapoteredza Dema, kwaZiko, vacharapwa nekuvhenekwa mahara pachikoro cheMurape Primary School.

Sachigaro weUnited Methodist Church Chitungwiza-Marondera District, VaTapiwa Mupari, vanoti pachange paine machiremba vana uye vanamukoti 20 vachibatsira varwere.

Vanoti sechechi, vakaunganidza mari inosvika US$5 000 iyo ichashandiswa gore rino pasi pechirongwa ichi.

“Chirongwa ichi tagara tichichiita gore negore uye chiri kubatsira vanhu vazhinji. Vanhu vanouya vachirapwa pachena zvirwere zvakasiyana pamwe nekutariswa kuti havana here zvirwere zvinosanganisira HIV, malaria, maziso nezvimwe,” vanodaro.

Gore rino nderechitatu chirongwa ichi chavambwa uye kusvika pari zvino chabatsira varwere vanodarika 200.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *