Mhirizhonga bodo: President

Felex Share
PRESIDENT Mnangagwa — avo vachangodzoka kurwendo rakabudirira zvikuru kunyika dziri kuEurasia — vanoshora mhirizhonga yakaitwa nevamwe vanhu vemuno vachitungamirirwa nesangano reMDC-Alliance nereZCTU, vachiti kunyangwe zvazvo iri kodzero yemunhu wose kuratidzira nekutsutsumwa, izvi zvinofanirwa kuitwa murunyararo uye pachitevedzwa mutemo wenyika.Mutungamiri wenyika vanoti Zimbabwe inofanira kubatana pachitsvagwa nzira dzinoita kuti upfumi hwenyika husimukire.

“Svondo radarika, ndakazivisa matanho akananga kugadzirisa nyaya dzekuwanikwa kwemafuta edzimotokari munyika,” vanodaro vachinyora padandemutande ravo reTwitter.

President Mnangagwa vanoenderera mberi vachiti, “Ndaizviziva kuti matanho aya anogona kutadza kutambirwa zvakanaka uye aya haazi matanho atakangotora nje, asi ndizvo zvakafanira kuti tiite.

“Zvakazotevera hazvikurudzirwe uye zvakashata. Munhu wose ane kodzero yekuratidza kutsutsumwa kwake, asi kuratidzira uku hakuna kuitwa murunyararo. Mhirizhonga yekuparadza midziyo, kuba pamakamba emapurisa, kuba pfuti nemayunifomu nekukurudzira mhirizhonga, aya handiwo maitirwo ezvinhu muZimbabwe,” vanodaro President Mnangagwa.

Midziyo inokosha mamiriyoni emadhora yakaparadzwa mumhirizhonga yesvondo rapera iyo yaitsigirwa neMDC-A nemamwe masangano asingatsigire Hurumende.

Kusvika pari zvino, vanhu vanodarika 700 vasungwa uye vamwe vakatotenherwa mumajeri nekuda kwemhirizhonga iyi.

Zvinoratidza kuti vanhu vakaronga mhirizhonga iyi vaive nezvimwe zvinangwa, kwete nyaya yekukwira kwemutengo wemafuta edzimotokari nekuoma kweupenyu sezvainge zvataurwa.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *