Mhirizhonga inokanganisa budiriro yenhabvu yeZim

Tadious Manyepo

AIMBOVE kaputeni wechikwata chemaWarriors, Willard Katsande, anoti budiriro munyaya dzenhabvu muZimbabwe inogona kudzokera kumashure zvakanyanya kana pachitariswa zviitiko zvakaita semhirizhonga yakaitika kuChahwanda Stadium, kuKwekwe, nomusi weSvondo wadarika apo vamwe vatsigiri vemutambo uyu vakakuvara.

Katsande anoti kunze kwokuti vanhu vange vachitaura nezvemutambo wenhabvu, pari zvino vari kukurukura nezvemhirizhonga iyi.
Panguva iyo nhandare dzenhabvu dzepamusorosoro dziri kuvakwa uye vatsigiri vakawanda vari kuenda kunoona mitambo, nyaya dzemutambo wenhabvu dzange dzave kuendeka.

Asi musi weSvondo wadarika wakasandura zvose izvi.
Kunze kwokuti vanhu vange vachitaura nezvenhabvu, zvizvarwa zveZimbabwe zviri kukurukura pamusoro pevatsigiri vakakuvadzwa; uye mukomana anonhonga mabhora anenge aenda kunze kwenhandare, uyo akatemwa nedombo.

Mutambo uyu, uyo waive pakati peHardrock neDynamos, wakamiswa mushure mokunge watambwa kwemaminitsi 81. Chidanho ichi chakatorwa mushure mokunge pamuka bongozozo munhandare, iro rakasiya vamwe vatsigiri vakuvara. Vamwe vacho vakatoendeswa kuchipatara.
Mhirizhonga iyi yakatanga apo matombo nezvidhinha zvakakandwa munhandare nevatsigiri vezvikwata zviviri izvi.

Asi kuna Katsande, njodzi huru iripo inodarika mutambo wakazomiswa uyu.
Anotenda kuti nhabvu yemuno inogona kutadza kukwezva vatsigiri, vayapedza makore akawanda ichizama kuti vauye kuzoona mitambo.

“Nhabvu inobatanidza vanhu. Nhabvu inoita kuti vanhu vambokanganwe zvinovanetsa zuva nezuva. Ndosaka ichinzi mutambo wakanakisisa,” anodaro Katsande.
“Asi ikatanga kutipa zvakadai izvi (mhirizhonga), zvinozonetsa kunzwisisa kuti chii chiri kumboitika munhabvu yedu.

“Taifunga kuti taive tadarika danho iri. Zvinotaridza kuti pari zvino tave kudzokera kumashure pane kuti tifare nokuda kwezvivakwa (nhandare) zvakanaka.”
Katsande anoti mhirizhonga yakadai inokanganisa maonerwo anoitwa nhabvu yemuZimbabwe.

“Nhandare yakanakisisa iyi ichagara ichiyeukwa nokuda kwemhirizhonga iyi. Zvinonyadzisa kwatiri senyika,” anodaro.
Katsande anoti hapana chikonzero chinofanirwa kuita kuti pave nemhirizhonga yakadai.

“Handikurudziri mhirizhonga, zvisinei nokuti varidzi vapembe nevamwe vanenge vachiona nezvemitambo vatadza kuita basa ravo zvakadini uye kuti vatambi vanoona sevabirirwa. Chinhu chakanyanya kukosha kuzvibata nekuchengetedza mutambo,” anodaro.
Katsande anoti akarwadziwa zvakanyanya kuona mukomana anonhonga mabhora anenge aenda kunze kwenhandare achitemwa nedombo paiitika mhirizhonga iyi.

“Pachiitiko chekuChahwanda, zvikwata zvose zviri zviviri zvakatadza mukupinda kwazvakaita munhandare. Asi wozoona mwana achitemwa.
“Ngatitaurei chokwadi, kudai akange ari mwana wako wainzwa sei?

“Vakomana vanonhonga mabhora anenge aenda kunze kwenhandare vane zvirotowo zvekuzotamba nhabvu rimwe zuva.”
Katsande anoti zvinoshungurudza kuona kuti vamwe vevatsigiri vainge vadonhera pasi vakaramba vachirohwa.

“Ndakaona mutsigiri weDynamos aive akarara pasi, vamwe vanhu vachimutsika-tsika. Ndibaba vemumwe munhu, mwanakomana wemumwe munhu uye munhu anotoriritira mhuri yake mune ramangwana.
“Vakabva kuHarare vachienda kuKwekwe kuti vanonakidzwa nenhabvu. Asi vobva varohwa. Chikonzero chiri chei?” anodaro Katsande.

Zvakadai, chikwata cheDynamos necheHardrock zviri kutarisirwa kuti zvitumire magwaro ezvakaitika pamhirizhonga iyi kuPremier Soccer League, zvichitsanangura kuti sei mutambo uyu wakazomiswa, panguva iyo mubvunzo mukuru uri wokuti: Nhabvu yemuno yave kudzinga zvakare here vatsigiri avo inodisisa?

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×