Mhodzi dzemanhanga kunaka

MHODZI dzemanhanga dzakakangwa muriwo wakanaka zvikuru uye unovaka muviri sezvo dziine mapuroteni neiron yakawanda izvo zvinobatsira mukurwisa zvirwere.

Svondo rino Kudzai Chihamba wekuBindura anotsanangudza makangirwo emhodzi idzi.

Zvinodiwa:

Mhodzi dzemanhanga, munyu, mvura, majarini, rwayenga kana pani

Mabikiro:

Tora rwayenga kana pani yakachena ugadze pamoto.

Isa twumajarini twushoma wosiya twuchinyungudika.

Kanda mhodzi dzemanhanga wodzikanga.

Isa munyu wakasangana nemvura pashoma-pashoma uchikanga.

Ita kuti dzisare dzakatsvukira uye dzaoma.

Kana zvadai chibura udye nemhuri.

Mhodzi dzemanhanga dzinodyiwa nesadza jena kana dzakadaro uchinwira-nwira nemvura kana mahewu.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×