Mhofu odzoka kumusha

Sunday Chidzambwa
Sunday Chidzambwa

MITAMBO yeCastle Lager Premier Soccer League iri kupfuurira mberi svondo rino apo Dynamos iri kusangana neZPC Kariba kunhandare yeRufaro Stadium, muguta reHarare mumutambo unotarisirwa kunakidza zvekukunda ngoma kurira.ZPC Kariba iri kurairidzwa naSunday ‘Mhofu’ Chidzambwa uyo akarerwa neDembare nekudaro maziso ose achange ari kumutambo uyu.

Nerimwewo divi, Highlanders FC ichisangana neCAPS United kunhandare yeBabourfields, kuBulawayo.

Zvikwata zviviri izvi zvimwe zviri kurwira mukombe weCastle Lager Premier Soccer League nekudaro zvose zvakatarisira kuhwinha mumutambo uyu.

Zvakadaro, kuCAPS United kwange kusina kugadzikana zvichitevera mashoko akambotenderera mazuva adarika ekuti murairidzi wacho Lloyd Chitembwe anogona kusiya basa sezvo vatsigiri veKepekepe vasiri kufara nemabatiro ake ebasa.

Izvi zvinotevera makange akaitwa nechikwata ichi apo chakatamba neFC Platinum nguva yadarika.

Gore radarika, Bosso yakakundwa mumitambo yayo miviri yose neKepekepe kuBabourfields, kuBulawayo nekuNational Sports Stadium, muguta reHarare.

Dynamos FC vs ZPC Kariba

Dynamos kubvira payakamuka chibhebhenenga nguva yadarika iri kudya magaka mambishi sezvo iri kukwapaidza zvikwata zvose zvairi kusangana nazvo.

Svondo rino DeMbare, iyo iri kurairidzwa naLloyd Mutasa, ichange iri pamusha apo ichasangana neZPC Kariba.

ZPC yagara hayo inoda zvekuomesera DeMbare asi mwaka wadarika Mhofu paakauya nechikwata chake kunhandare yeRufaro vakakundwa 2-1 apo Dynamos yairairidzwa naTonderayi Ndiraya.

 

Harare City vs Chicken Inn

Moses ‘Bambo’ Chunga paakagadzwa pachigaro chinopisa kuHarare City, shasha iyi yakazivisa kuti vanofanirwa kupedza mwaka vari pakati pezvikwata zvitatu zvepamusoro.

Chikwata chake chakatanga zvakanaka izvo zvakachiona chichihwina mitambo miviri yekutanga, asi zvinhu zvakasanduka apo paakazosangana neDeMbare iyo yakamusidzira mhepo sezvo vakabva vakundwa mitambo miviri yakatevedzana.

Svondo rino Harare City iri pamusha kuRufaro Stadium uko ichasangana neChicken Inn iyo iri kutatarika kurwira kuchengetedza mukombe wePSL wayakatora gore radarika.

Chicken Inn haisati yagadzikana zvichitevera kubva kwakaita aimbove murairidzi wayo Joey Antipas uyo akaenda kunorairidza AmaZulu yekuSouth Africa.

Mitambo:

Mugovera

Harare City FC Vs Chicken Inn FC, Rufaro Stadium 1500hrs

Ngezi Platinum Stars FC Vs Triangle United FC, Baobab Stadium 1500hrs

Tsholotsho FC Vs Hwange FC, White City Stadium 1500hrs

 

Svondo

Dynamos FC Vs ZPC Kariba FC, Rufaro Stadium 1500hrs

Border Strikers FC Vs How Mine FC, Dulivadzimu Stadium 1500hrs

FC Platinum Vs Bulawayo City FC, Mandava Stadium 1500hrs

Chapungu FC Vs Mutare City Rovers FC, Ascot Stadium 1500hrs

Highlanders FC Vs Caps United FC, Barbourfields Stadium 1500hrs

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *