‘Zim-dancehall yochepeswa neSungura’

 

 

Obvious Mutani
Obvious Mutani

MUIMBI weSungura, Obvious ‘Ovasanjo’ Mutani, anoti akaparura dambarefu idzva rinonzi ‘Sungura yokundwa nedancehall tiripo here?’ neshungu mushure mekuona kukurumbira kwakange kwaita musambo weZim-dancehall.

Makore adarika, musambo weZim-dancehall wange uchinetsa zvikuru nevaimbi vakaita saSoul Jah Love, Seh Calaz, Killer T naKinnah.

Kunetsa kweZim-dancehall kwakaona kudzikira kwemusambo weSungura zvakanyanya zvekuti kana vaimbi vacho vange vave kutatarika kuita mashoo vakazvimirira.

Ovasanjo, uyo anotsigirwa nechikwata cheSungano Express, anoti vaimbi veSungura vanosanganisira Alick Macheso, Simon Mutambi naFirst Farai vose vakaburitsa madambarefu avo ayo ari kupisa panguva ino.

“Vapfana veZim-dancehall vakange vaenda nenyika vachizviona sekuti ndivo vave madzimambo emhanzi asi takaramba, Sungura taidzora.

“Ndakaburitsa dambarefu rangu iri rinonzi ‘Sungura yokundwa nedancehall tiripo here? nechinangwa chekurakidza nyika yose kuti Sungura haiperi ichiripo.

“Yasvika nguva yekuti tichidzorera Sungura payo chaipo payakakodzera uye vaimbi vazhinji veSungura tiri kuuya zvine moto.

“Baba Sharo (Macheso) akavapedzera paakaburitsa Tsoka dzerwendo, kana ini dambarefu rangu iri ndinozvitemba kuti rinonakidza zvikuru,” anodaro Mutani.

Dambarefu raMutani iri nderechipfumbamwe uye pari zvino ari mushishi kubika rechi10 iro anoti achaparura munguva inotevera.

 

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *