Kingstone Mapupu
MHURI yaigara pamba pavakasirwa nevabereki vavo vanove vashakabvu mumusha weMbare, muHarare inoti yava kugara mumigwagwa zvichitevera kutengeswa kwakaitwa imba iyi nemumwe wavo.
Imba yamutsa mutauro nebongozozo iyi inowanikwa panhamba 57 mumugwagwa waSanyanga kuNational kuMbare padyo neStodart Hall.
Mai Alice Guswaguswa Zvomuya (58), vanova mumwe wevana vemhuri iyi, vanoti vakadzingwa pamba apa nemusi wa24 Zvita gore rakapera nechikonzi vachinzi vakanga vasisafanirwe kuramba vachigarapo sezvo ichinzi yakatengwa nemumwe munhu.
Mai Guswaguswa Zvomuya, avo vakawanikwa neKwayedza vachidzungaira kunzvimbo yeStodart Hall, vanoti vakangoerekana vaona chikonzi chava kusvika vachinzi vatame vose.
“Baba vedu vainzi Fidelis Zvomuya Guswaguswa vaibva kwaSeke naamai vedu vainzi Theresa Tigere, vose vakashaika. Vakatisiya tiri vana vanomwe asi vaigara pamba apa taiva vatatu sezvo vamwe vakaenda kudzimba dzavo. Mumwe wevana pavanomwe ava pakati pedu anova mukomana ndiye akazotengesa imba iyi vamwe tisingazive, akaisawo runyoro rwevamwe vose rwechitsotsi,” vanodaro Mai Guswaguswa Zvomuya.
“Pavana vanga vachigara pamba apa, taingova vanasikana vaviri nemukomana mumwechete, apo vamwe vose vakaenda kudzimba dzavo.
“Isu vanasikana vaviri tose nemhuri dzedu takaburitswa mumba, pamba pakasara pasina munhu izvozvi tava kungogara mumigwagwa nemuhama neshamwari. Tave kudemba kuti dai vabereki vedu vari vapenyu nekuti hunherera hwedu hwese hwakabva hwabuda pachena,” vanodaro Mai Guswaguswa Zvomuya.
Vanoti nekuda kwedambudziko iri rekudzingwa pamba, kune vamwe vana vemumhuri mavo vachatokakanganisika chikoro sezvo vakaenda kunzvimbo dzakasiyana.
“Vamwe vana vedu nevazukuru vataigara navo vachatadza kuenda kuzvikoro nekuda kwekuti takatovachinja nzvimbo dzekugara,” vanodaro Mai Guswaguswa Zvomuya.
Vanoti semhuri vanoda kuti vawane vanovabatsira kuti imba iyi ikwanise kudzoserwa kuvana vose pane kuti itorwe nemwana mumwe chete.
Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemwanakomana wemumhuri iyi uyo anonzi akatengesa imba iyi sezvo nharembozha yake yakange isingabatike kusvika pakubuda kwenyaya ino.



