Mirai muone: Khumalo

MUIMBI wesungura ari kusimukira, Maxwell Khumalo, anoti nguva yake yekuzunguza indasitiri yemhanzi yasvika sezvo achiti ave nemakore akawanda achitsikisa mhanzi inodakadza.

Khumalo, uyo anotsigirwa nechikwata Cereal Mafaro Stars, akabura dambarefu rake rechipiri rinonzi Tichatikudiniko iro rine nziyo dziri kunetsa parizvino dzinoti Josefini, Makamutambira Sei naUsapindemo.

Muchinda uyu anoti ave kukwanisa kuzvimirira munyaya dzemimhanzi zvichitevera kutsikisa kwaakaita dambarefu rake rechipiri iri.

Anoti ari kutarisira kutanga kuita mashoo akazvimirira sezvo achiona chiedza mune ramangwana rake.

Khumalo anoti zvakakosha kuti muimbi wese avimbe nemhanzi yake kana achida kuenda kure.

“Ndave kuzunguza munyaya dzemimhanzi ndega, ndiri kuzvinzwa nekuzviona nekuti mhanzi yandakatsikisa iri padambarefu rangu haina kumira zvakanaka. Ndinozvionera kuti yave kumberi.

“Hakusi kuzvirova dundundu asi ini ndega ndakatora nguva ndefu ndikagara pasi ndichinyora mhanzi iyi zvekuti ndinozvinzwa kuti ndakabata basa. Zvangosarira kuvatsigiri kuti vape pfungwa dzavo nemaonero avanoita mhanzi iyi,” anodaro.

Khumalo anoti akasununguka kushanda nevamwe vaimbi vari kusimukira pamwe nevane mukurumbira vakaita saAlick Macheso, Jah Prayzah neSuluman Chimbetu.

“Ini hangu ndakazvipira chaizvo kushanda nevamwe vaimbi kuti tibike mhanzi inonakidza.

“Panosangana njere dzakawanda kazhinji kacho panobuda zvakanaka saka kushanda takabatana nevamwe vaimbi kunoburitsa zvakanaka,” anodaro Khumalo.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *