Akaponderwa ‘fresh chips’

Mapurisa ave mushishi kutsvaga mhondi

Kingstone Mapupu

MAPURISA ekuDema, kwaSeke, vari kutsvaga nemaziso matsvuku murume anofungidzirwa kuti imhondi, uyo anonzi akatiza mushure mekubaya nebanga mumwe murume apo vairwira musikana.Nyakubaiwa uyu akabva afa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Nobert Muzondo, vanoti vari kutsvaga Tineyi Kahari (32) nemhosva yaari kupomerwa yekuponda Causemore Chitinde (38) nekumucheka nebanga nebhodhoro achimupomera kuti aidanana nemusikana wake.

Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa1 Ndira gore rino nenguva dza9 mangwanani mubhuku raMhonda, kwaSeke, uko kwaigara mushakabvu pamwe chete naKahari.

Insp Muzondo vanoti nemusi uyu Chitinde ainwa doro neshamwari dzake patakishopu yekwaMhonda apo paitengeswa naKhabo Simingani (24), uyo anonzi musikana waKahari.

Bongozozo rinonzi rakatanga apo Simingani akatengera Chitinde mafresh chips, izvo zvaiva mumaziso aKahari. Kahari anonzi haana kufadzwa nazvo ndokuviruka nehasha.

“Kahari achiona izvi, akabvunza Chitinde kuti sei akanga atengerwa machips nemusikana wake ndokupomera muchakabvu mhosva yekudanana nemusikana wake. Vaviri ava vanonzi vakatanga kurwa nekuda kwenyaya iyi apo Kahari anonzi akazopwanya bhodhoro redoro raainwa ndokubaya Causemore kaviri naro paruwoko rwekurudyi nekamwe chete pamhuno,” vakadaro Insp Muzondo.

Kahari, vanodaro Insp Muzondo, anonzi akazotora banga raiva muhomwe yebhurugwa rake ndokubaya Chitinde kamwe chete pachipfuva.

Chitinde anonzi akaedza kutiza neupenyu hwake ndokumhanya kwechinhambwe chinosvika mamita zana apo akazopunzika pasi ndokufenda.

Kahari anonzi paakaona kuti akanga apara mhosva, akabva atiza ndokuenda kusina anoziva apo mhomho yemusha uyu yakaedza kumubata ikatadza.

Chitinde anonzi akabva atakurwa kuendeswa kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital uko akasvika achifa asati abatsirwa. Vagari vemumusha uyu vakazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

Insp Muzondo vanokumbira veruzhinji vane ruzivo nezvaKahari kuti vazivise mapurisa ari padyo navo kana epakamba yepaDema votaura naInsp Mawire vanova Officer In-Charge panhamba dzinoti 0784 141 626 kana kutaura naivo Insp Muzondo panhamba dzinoti 0773 553 148.

Insp Muzondo vanokurudzirawo veruzhinji kuti vasatore mutemo vachiisa muhomwe dzavo kana kupedza makakatanwa nekurwisana.

 

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *