Misheck Chidzambwa ashaya

Abel Ndooka

SHASHA yakambonetsa mumutambo wenhabvu semutambi ndokuzorairidza, Misherck “Scania” Chidzambwa ashaya.
Scania akashaya nezuro manheru mushure mekunge ave nenguva refu achirwara.

Achitaura neKwayedza nhasi mangwanani, mukomana waMisherk – Sunday “Mhofu” Chidzambwa – atsinhira nezverufu rwaScania achiti munin’ina wake akashaika nezuro manheru.

“Scania atisiya, akashaya manheru zvekuti iye zvino takaungana kumba kwake kuZengeza 5, kuChitungwiza uko ari kuchemerwa.
“Humwe hurongwa tichange tichikuzivisai nekufamba kwenguva,” anodaro Sunday.

Scania vazhinji vanomuziva achitambira zvikwata zvinoti Dynamos nechenyika chemaWarriors uye kubva paakasendeka shangu dzake dzekutamba, akazorairidzi chikwata chenyika chemaWarriors.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×