Mitambo kumaruwa yosimudzirwa

Abel Ndooka

SANGANO rakazvimirira reFunani Foundation rosimudzira vechidiki vekumaruwa vane matarenda mumitambo yakaita secricket, rugby, nhabvu, tenesi nehockey kuburikidza nekuvapa zvekushandisa pamwe nekuvadzidzisa.

Mitambo yakaita secricket, hockey kana tenesi kazhinji inozivikanwa ichinzi ndeyevana vanodzidza kuzvikoro zvakasimukira.

Mutungamiri weFunani Foundation, Ray Funani, anoti chishuwo chesangano ravo kupa mikana kune vana vari kumaruwa kuti varakidze matarenda avo mumitambo iyi.

“Kune vana vakawanda vanogara kunze kweHarare vane matarenda anonwisa mvura mumitambo yakaita serugby, cricket, hockey netenesi asi kuzvikoro zvavo kana kunharaunda hakuna kwekuitambira. Saka isu tiri kuda kuvawanisa mukana wekuti vaidzidzire uye varakidze nyika nepasi rese tarenda ravo.

“Chimwe chikonzero ndechekuti takaona kuti kunze ikoko ndiko kune vanhu vakawanda saka tikashanda navo tinowana vatambi vane tarenda tovabatsira kuti ribikwe,” anodaro Funani.

Anoti parizvino sangano ravo riri kubatsira zvikwata zviri kunzvimbo dzakadai seHwedza, Mhondoro neGoromonzi uko riri kushanda nevarairidzi vemitambo iyi kudzidzisa vechidiki.

Anoti vari kushandawo nevamwe vemasangano akadai seClasswave Investments avo vari kuvabatsira nezvekushandisa zvemitambo yakasiyana.

Svondo radarika, Funani Foundation – kuburikidza neClasswave Investments – yakabatsira chikwata cheRamah Sports Academy nekuchipa zvekushandisa mumutambo wecricket.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *