Mitambo yechinyakare ngaiitwe muzvikoro

Abel Ndooka
SANGANO reNational Association of Primary Heads (NAPH) rinoti mitambo yechinyakare yakadai setsoro, nhodo, maflawu, arawuru, hwishu nechihwande-hwande yakakosha zvikuru uye inofanirwa kuitwa muzvikoro sezvo ichidzidzisa vana nekuvavhura njere.

Mitambo yechinyakare iyi inozivikanwa kubvira kare-kare iriyo inokura ichitambwa nevana uye ichivadzidzisa kutamba sechikwata.

Dzimwe shasha dzezvemitambo dzinosanganisira Perpetual Siyachitema uyo akaita mukurumbira achitambira chikwata chenyika chenetball akambobuda pachena achiti mukukura kwake aitamba dunhu nehwishu izvo zvakamuvaka kuti atange kufarira zvemitambo.

Shasha yakambonetsa munhabvu Maronga “Bomber” Nyangela anoti nhabvu yechikweshe ndiyo yakabika tarenda rake kuti azosvike kure mumutambo uyu.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, sachigaro weNAPH mupurovhinzi yeHarare — Samson Chinowoneka — anoti mitambo yechinyakare yakakosha zvikuru nekudaro inofanirwa kudzidziswa muzvikoro sezvo ichivhura vana pfungwa pamwe nekuvadzidzisa kuti kushanda nesimba kunounza pundutso muhupenyu.

“Mitambo yechinyakare yakaita setsoro, nhodo, hwishu nemimwe inodzidzisa vana kuti vakashanda nesimba vanogona kukunda uye mimwe yacho iyo vanenge vachitamba vakawanda semafulawu nearauru inodzidzisa kuti mushandirapamwe wakanaka

“Tinoshuvira kuti inge ichitambwa muzvikoro sezvo ichidzidzisa vana kuti vazive kuti takabvepi uye tiri kuenda kupi,” anodaro Chinowoneka. Anoti pari zvino mitambo iyi iri kutambwa muzvikoro zvishoma uye hakuna makwikwi ari kumborongwa ekuti zvikoro zvisangane zvichitamba mitambo yechinyakare izvo anoti zvinofanira kushanduka.

“Iye zvino zvikoro zvishoma chaizvo ndizvo zviri kudzidzisa mitambo iyi kana kuitamba. Nehuwandu hune zvikoro zvatinazvo munyika muno, mitambo iyi inofanirwa kudzidziswa muzvikoro zvakawanda uye kana zvakawanda zvobatsirawo zvekare kuti zvinotanga kuronga mitambo zvichifambirana zvichikwikwidza,” anodaro Chinowoneka.

Related Posts

Murume wekurwiswa negarwe owora maoko ose

Kingstone Mapupu MURUME ane makore 31 okuberekwa wekwaSabhuku Muchinjiko kwaChiendambuya, kwaRusape — uyo akarwisana negarwe rikamutyora maoko ose — anoti maoko aya ave kuwora nekuda kwemaronda akakuvarira mukati. Garikayi Chiweshe…

‘Ngwarirai maguruvhani anoshandisa dandemudande‘

Kingstone Mapupu VERUZHINJI vokurudzirwa kuti vangwarire nhubu kana kuti maguruvhani ari kushambadza midziyo yakadai semotokari pamadandemutande akasiyana-siyana uye vachizopedzisira vabira vanhu mari yavo. Yambiro iyi inotevera kusungwa uye kumiswa mudare…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×