Mitengo yezvirimwa nezvekurimisa

Malven Mugadzikwa

HEINOI mitengo yezvekudya nezvekurimisa kubva kuMbare Msika nemuzvitoro zviri muguta reHarare, svondo rino:

KuMbare Msika

– Derere $5 pakiti diki, kagaba $8, gaba guru $10

– Mufushwa wemunyemba (5ltrs) $40, kapu $8

– Nyemba $16 kapu

– Madomasi bhokisi pa$75 kusvika pa$105

– Magaka $10 rimwe chete

– Maapple ekunze kwenyika bhokisi pa$180 kusvika $330 zvichienderana nemhando

– Zvinanazi bhokisi $120

– Hanyanisi chisaga $110

– Magaka (cucumbers) asina minzwa chisaga $140, murwi mudiki $8

– Bhinzi $8 kapu

– Butternut $10 pakiti diki, huru $20

– Ngoro $5 600 kana $3 200 zvichienderana nekukura kwacho

– Demo $50

– Badza $25

– Zviyo $50 gaba (3.8 litres)

– Tsangamidzi $5 kapakiti

– Nzungu musvo $100 gaba (3.8 litres), $150 garoni (5 litres)

– Nyimo $100 gaba (3.8 litres), $150 garoni (5 litres)

– Mupunga wechivanhu $15 kapu, $180 gaba (3.8 litres)

– Manwiwa $5 pakg

– Mauyu $4 kapu yeakakuiwa, $5 rimwe chete risina kuputswa

– Upfu hwemufarinya $200 garoni (5 litres), $800 bhagidhi

– Upfu hwemupunga wechivanhu $250 garoni (5 litres)

Zvitoro zviri muguta reHarare:

– Mapfunde 10kg $254

– Mapfunde 5kg $79

– Soya beans 25kg $600

– 1kg mbeu yechibage $37.50,

– 2kg mbeu yechibage $106, $73.90 ne$93 zvichienderana nemhando

– 5kg mbeu yechibage $189.75, $186. 50, $230.32, $196, $200 ne$192 zvichienderana nemhando

– 10kg mbeu yechibage $406, $354.20, $379.50, $360.36, $250, $388 kana $420 zvichienderana nemhando

– 25kg mbeu yechibage $1 151.15, $994, $1 036, $885, $924, $949 ne$927

– Bhara $885.50

– Badza diki $150

– Badza guru $175

– Foshoro $221

– Demo rine mupinyi $156

– Hara Zig Zag $2 973.16

– Ammonium Nitrate 50kg $640

– Compound D $520

– Compound C 50kg 650

– Potato blend 50kg $850

– Mhodzi dzemanwiwa dziri kutangira pa$15 kusvika pa$625

– Mhodzi dzemanhanga nemabutter nut mutengo wacho wakafanana newemanwiwa

– Ngetani 10.0 mm $232.50, 5.6mm $85.65, 4.0 mm $62.85, TR7.1mm $272.50

– Gejo $2 197.60

– Karivheti $2 445.89 kana $4 179.34

– Zigodo (block) remunyu 60kg $420

– Mushonga werukonye 1kg $64.75, 2kg $244

– Mushonga wemuchenje 5litres (termite poison) $50, Chlorpryphos 48 EC (1 litre dilutes 1 000 litres of water) $321

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×