Kingstone Mapupu
MAPURISA ekuMidlands akazivisa nezvekuwanikwa kwemombe pfumbamwe idzo dzaive dzabiwa kuZhombe gororo racho richibva ratiza.
Nyaya iyi yakaitika kwaSabhuku Ngwee kudunhu raMambo Malisa, kuZhombe nemusi wa3 Kurume.
Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanotsinhira nyaya iyi vachiti VaMaxwell Dube (74) vakasiya mombe dzavo pfumbamwe dzichifura musango ndokubva vazodzokera kumba asi pavakazodzoka vakadzishaya.
“Murimi uyu mushure mekushaya mombe dzake, akazozivisa vamwe vemunharaunda iyi ndokutadza kutevera matsimba adzo nekuda kwemvura yakawanda yainaya,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoti nemusi wa4 Kurume, mapurisa aifamba nemotokari vakasangana nemumwe murume achitinha danga remombe apo vakange vave kuda kunosvika pachikoro cheSikhabela Primary School.
“Murume uyu, paakangoona mapurisa akabva abereka tsoka achiita hushamwari nemhepo kutiza akananga musango ndokudzingirirwa nemapurisa asi vakatadza kumubata,” vanodaro Insp Mahoko.
Mombe dzaaitinha idzi dzakabva dzatorwa nemapurisa ndokuenda nadzo kukamba yeZhombe ZRP uko dzakanochengetedzwa.
“Mombe dzaiva dzabiwa dzinokosha US$3 500 uye dzose dziri pfumbamwe dzakabva dzaendeswa kukamba yeZhombe ZRP. VaMaxwell Dube vakazoziviswa nemusi wa5 Kurume apo vakauya ndokukwanisa kuziva mombe dzavo vachibva vadzidzoserwa,” vanodaro Insp Mahoko.
Mapurisa anokumbira kuruzhinji kuti vabatsire nemashoko anoita kuti makororo aiva aba mombe idzi asungwe.




