Mosquito ava muimbi

Kingstone Mapupu
ZVENYIKA “Mosquito” Alfonso – uyo aimbove shasha yemutambo wetsiva – anoti ave kuita zvemimhanzi uye akatoburitsa kambo kake katsva kemusambo weAfro-Jazz ako anotarisira kuti kachafadza vatsigiri vake.

Muhurukuro neKwayedza, Mosquito (43) anoti akadzidzira zvemimhanzi apo aive mujeri makore adarika achipikira mhosva yekuba redhiyo.

“Ndakasungwa nemhosva yekupaza nekuba ndikapihwa chirango chekupika mwedzi makumi maviri. Panguva iyi ndipo pandakadzidza kuimba nekuridza, izvo zvazondituma kuburitsa kangu kambo kanonzi Kuda,” anodaro.

Anoti akanyora oga kambo aka ako kanotaura nezverudo.

“Kambo aka ndeke murume anombotanga achinetsana nemudzimai waanenge achida, vozoguma vave kugara vose vachiwirirana zvikuru,” anodaro.

Muchinda uyu anoti anotarisira kusvika kure munyaya dzemimhanzi.

“Musambo wandiri kuimba unodaidzwa kuti Afro-Jazz Fusion, ndinotenda mukomana akandibatsira kuimba nekuita zvimwe, Adex Ozones (28),” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Vhidhiyo rekambo aka takatopedza kugadzira kare, richabuda mukupera kwemwedzi uno (Kurume) uye nditinotarisira kuti richatambirwa zvakanaka neveruzhinji.”

Mosquito anoti ari kuimba nechikwata chinodaidzwa kuti Mosquito Special Band uye anotarisira kuzotora vamwe vechidiki vane chipo munyaya dzekuimba achisimudzira matarenda avo.

Anotizve kunze kwekuita zvemimhanzi, ave nemagwaro ekudzidzisa mutambo wetsviva.

“Ndakatanga zvetsiva mugore ra1986 ndokuwana menduru dzinosanganisira yeCommonwealth, Africa Zone 6, Zimbabwean Champion, Buntum Weight neFly Weight uye iye zvino ndava nematsamba ekudzidzisa mutambo wetsiva ayo ndakapihwa neveZimbabwe Boxing Control Board,” anodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *