Moto wakaparadza imba nemidziyo

Top4
VAEVARISTO Hati nemudzimai wavo Mai Linah Hati vachitaridza imba yavo yakatsva. — Mifananidzo: Memory Mangombe

Nyasha Mutena
IMWE mhuri yekuZengeza 3, kuChitungwiza, iri kukumbira rubatsiro rwekuvakisa imba yayo zvichitevera kuparadzwa kwayakaitwa pamwe nemidziyo yose nemoto.VaEvaristo Hati nemudzimai wavo, Mai Linah Hati, vanoti vashaya zano rokuita zvichitevera kutsva kwakaita imba yavo nguva pfupi yadarika.

VaHati vanoti kusvika nhasi havana chokwadi chezvakaitika pazuva rakaparadzwa imba yavo nemoto uye fungidziro yavo ndeyekuti tsaona iyi inogona kunge yakakonzerwa nekusafamba zvakanaka kwemoto wemagetsi sezvo wakabatira mumba pakadzoka magetsi mushure mekunge amboenda.

“Chokwadi chaicho hatisati tava nacho nekuti magetsi ainge amboenda ndokuzodzoka pakaita moto uyu nokudaro takangosara tiri vanhu chete, midziyo yose nezvese zvaiva mumba umu zvakaparara,” vakadaro.

Midziyo yakaparara inosanganisira mibhedha, masofa, materevhizheni nembatya dzose.

VaHati vanoti kunyangwe zvazvo vanodzimura moto veHarare Fire Brigade vakauya pachiitiko ichi, panguva yavakasvika midziyo yose yemumba yakange yapera kutsva.

Vanoti tsaona iyi yakavasiya vari panguva yakaoma zvikuru sezvo vasina anovabatsira nekudaro vari kukumbirawo ruyamuro kune veruzhinji.

Vanoda kubatsira mhuri iyi vanokwanisa kuridza nhare panhamba dzinoti 0772 341 808 votaura naMai Hati.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×