Vechidiki vari kushaiswa ruzivo rwekurera mhuri

Top5Muchaneta Chimuka
VANA vakawanda vasati vabva zera, vazhinji vacho vachiri kuenda kuchikoro, vanonzi vari kusangana nematambudziko ekushaiswa ruzivo pamwe nezvekushandisa munyaya dzeutano hwesikarudzi, zvikuru sei nzira dzekurera mhuri nekuzvidzivirira kubva kuzvirwere zvepabonde. Mushure mekuona kukura kwedambudziko iri, sangano reWomen’s Action Group rakabatana neCentre for Population Studies yekuUniversity of Zimbabwe pamwe neGuttmacher Institute, New York, vakaburitsa gwaro rinonzvera nyaya dzerudzi urwu. Gwaro iri rinoti chidimbu chevana vane makore 15-19 ekuberekwa ndicho chine ruzivo rwakakwana maringe neHIV neAIDS uye mumwe chete pavatatu voga-voga wevana vanozvarwa nemazera aya dzinenge dziri nhumbu dzisina kurongeka.

Mukuru wesangano reWAG, Mai Edinah Masiyiwa vanoti ongororo iyi yakatanga kuitwa mugore ra2011 iine donzvo rekuburitsa matambudziko ari kusangana nevanakomana nevanasikana munyaya dzeutano.

“Takaona kuti vanasikana ndivo vanonyanya kuomerwa neupeyu kana tichienzanisa nevanakomana.
“Ongororo yakaitwa neveZimbabwe Demographic and Health Survey inoratidza kuti chikamu che62 percent chevanasikana vasina kuroorwa vari kukundikana kuwana nzira dzekurera mhuri kana tichienzanisa ne19 percent yevakaroorwa,” vakadaro Mai Masiyiwa.

Muongororo iyi, zvakabuda pachena kuti HIV iri kuramba iri pamusoro kuvanhukadzi nechikamu che6,3 percent kana zvichienzaniswa nevanhurume avo vane chikamu che3,9 percent vari pakati pemakore 15-24 okuberekwa.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×