Kingstone Mapupu
MAKORORO matanhatu aive aba goridhe rinokosha US$16 500 paDraw Mark 19 Mine, kuMberengwa akazoita chitsoka ndibereke achitiza nemune rimwe sango mushure mekunge motokari yavo yabatira moto apo yakabonderana neyevashandi vepamugodhi uyu avo vaivadzingirira.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanotsinhira nyaya iyi iyo yakaitika nguva pfupi yadarika.
“Nenguva dza0100 hours nemusi wa30 Nyamavhuvhu gore rino, kune varume vatanhatu vasina kuzivikanwa vakanopinda pasi pemugodhi weDraw Mark 19 Mine kuMberengwa ndokuba makgs 150 egold carbon inokosha US$16 500. Murindi aifamba achichengetedza panzvimbo apa akazoona mutsetse wegoridhe raidonha kubva mumugodhi kunosvika paiva nemotokari yeHonda Fit chena iyo yaive yakamiswa,” vanodaro Insp Mahoko.
“Murindi uyu paakaona motokari iyi, akaedza kuenda ikoko zvakabva zvaita kuti varume vatanhatu ava vamutse motokari yavo vachibva vatiza. Murindi uyu nemutyairi wepamugodhi uyu vakazodzingirira motokari iyi vachishandisa Honda Fit Shuttle yepamugodhi uyu,” vanodaro Insp Mahoko.
Vaviri ava vakadzingirira motokari yaiva nemakororo aya kusvikira motokari mbiri idzi dzakanobonderana mumugwagwa weOld Bulawayo paMimosa Road Junction.
“Pakudzingirirana uku, motokari mbiri idzi dzakabva dzanobonderana, motokari yemakororo aya ichibva yabatira moto zvakabva zvaita kuti varume vatanhatu ava vatize ndokupfochoma netsoka kupinda mukati mesango riri padyo,” vanodaro Insp Mahoko.
“Mapurisa eZRP Zvishavane Traffic nevachikamu cheMinerals, Flora and Fauna Unit (MFFU) vakazomhanyira panzvimbo iyi apo pakawanikwa gold carbon mumotokari yakatsva iyi yerudzi rweHonda Fit,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoti motokari yaishandiswa nemakororo aya ine nhamba pureti dzinoti AFF 6232.
“Goridhe rose rakanga rabiwa rinokosha US$16 500 uye rakawanikwa,” vanodaro Insp Mahoko.
Mapurisa ari kufambira mberi nekufeya nyaya iyi.
“Tinokumbira veruzhinji vane ruzivo pamusoro pevarume vatanhatu vakaba ava kuti vazivise mapurisa ari padyo navo,” vanodaro Insp Mahoko.




