Mubairo wekuruta

NHOMBA yekuda nyama yakaparira murume wekupurazi reGilstone Farm, kuBeatrice, uyo akabatwa nemhosva nedare yekuuraya nguruve yemusangano kana kuti njiri inokosha US$3 000 ndokutongerwa kubvisa faindi uye kukundikana kwake anonopika jeri.Stanley Nyambangwe (26) akamiswa pamberi pedare reChitungwiza Magistrates’ Courts ndokubatwa nemhosva yekuuraya mhuka zvisina mvumo pasi pemutemo weUnlawful Killing of Wild Animals Section 59 (2) of Parks and Wildlife Act (Chapter 20:14).

Mutongi wedare iri, Blessing Murwisi akamupa chirango chekubvisa faindi yeUS$200 ndokuti kukundikana kwake aizogara mujeri kwemwedzi mitatu.

Pamusoro peizvi, akati abvise US$100 semuripo kuParks and Wildlife Management Authority musi wa30 Zvita usati wasvika.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa15 Mbudzi munguva dzemangwanani, mapurisa anoti Chamunorwa Rupfuta naConstable Gift Matika vakawanikidza Nyambangwe aine museve, kabadza uye nguruve yemusango iyo yaakange auraya.

Vakabva vamusunga ndokumuendesa kukamba yemapurisa yekuBeatrice uye njiri iyi nemidziyo yaakashandisa mukuiuraya zvakaburitswa mudare seumboo.

Nyambagwe haana kuda kupedzera dare nguva sezvo akabvuma mhosva yake.

“Ndinobvuma kuti ndakauraya nguruve iyi,” akadaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *