Muboora une dovi

MUNGUVA ino yatiri yeZhizha, muriwo wemuboora unowanda zvikuru muminda. Muboora kudya kune utano uye kusingadhure.

Svondo rino Judith Chikero wekuSunningdale 2, muHarare anotitsanangurira mabikirwo emuriwo uyu.

Zvinodiwa:

Chikari kana poto, mugoti, muriwo wemuboora, hayanisi, matomatisi, munyu, dovi nemafuta.

Mabikiro:

Furura muriwo wemuboora wawatenga kana kuti wawatanha mubindu kana mumunda.

Ucheke-cheke uchiita zvidimbu zvidiki. Isa muriwo wako muchikari kana mupoto uye usaise mvura yakawanda nekuti muboora unoburitsa mvura pachawo.

Chekerera hanyanisi nematomatisi wokanda kana mvura yave shoma.

Chikanda munyu nemafuta mashoma.

Siya zvikwate kwemaminitsi mashanu.

Isa zvipunu zviviri zvedovi woramba uchikurunga kusvika zvanyatsosangana.

Muto wacho isa munyu mushoma.

Kana muboora waibva, unoita segwatakwata. Muboora unogona kudyiwa nesadza remhunga, rezviyo kana jena.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *