Muchato woparadzwa nemudzanga wefodya

Tatenda Shuro
VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe mudzimai akati murume wake kana akamukumbira mari yekutenga mudzanga wefodya iye akarega kumupa, anomusvitsa kutsime nekumutuka.

Emily Mteke akamhan’arira John Gutsa kuHarare Civil Court achikumbira kuti amiswe kuuya paanoshandira uye kumba kwavaigara vose.

“Mambo, nababa ava takasiyana mazuva maviri apfuura, vanouya padhuze nepandinotengesera sezvo ndine musika, onditukirira zvinova zvinozondishaisa chimiro pane vanhu,” anodaro.

Anoti Gutsa akamukumbira mari yekutenga mudzanga wefodya iye akarega kumupa, anomutuka nezvehurwere hwake.

“Ngaasandinyadzisewo pane vanhu veduwe, anonditukirira ndikasamupa mari yefodya achiti ndokusaka uchirarama neutachiona hweHIV neAIDS,” anodaro Mteke.

Anoti haachada kuona Gutsa panzvimbo yaanotengesera.

Achipawo divi rake, Gutsa anoti haapokane nechimbiro chaMteke kudare asi haawirane nekuti arege kuenda paanotengesera nekuti ndipo pane magirosa kwaanotenga zvinhu.

“Handina dambudziko nokusaita mhirizhonga kana kuvashungurudza, asi dambudziko rangu riri pakuti hazvigone kuti ndirege kuenda kwavanoshandira nokuti ndiko kune nzira inopfuura nemunhu wese sezvo vachitengesera pamagirosa,’’ anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Mteke gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *