Muchina mutsva wefeteraiza wakaparurwa

Muchaneta Chimuka

KAMBANI inogadzira fetiraiza yeZimbabwe Fertilizer Company (ZFC) yakaparura muchina mutsva unogadzira fetiraiza iyi (New Fertilizer Blending Plant Machine) uyo unokosha US$500 000 kuAspindale, muHarare.

Danho iri richaona fetiraiza ichigadzirwa nehuwandu hwayo pamwe nekuwanisa veruzhinji mabasa.

Vachitaura pazuva rekuparurwa kwemuchina uyu, gurukota rezvemaindasitiri nekutengeserana VaMangaliso Ndlovu vanoti chirongwa ichi chauya panguva yakanaka zvikuru apo varimi vari kugadzirira mwaka wekurima.

“Kurima kwakakosha zvikuru sezvo kuchisimudzira upfumi hwenyika pamwe nekuwanisa veruzhinji zvekushandisa  nechikamu che63 percent. Vanhu vazhinji vari kumaruwa vari kuwaniswa mabasa kuburikidza nekurima uye chikafu chakakwana chine utano chinobva muminda. Hatikwanisi kubudirira mukurima kana tisina zvekushandisa kusanganisira fetiraiza,” vanodaro.

Vanoti Zimbabwe, sedzimwe nyika, iri kutambudzwa nenyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze akadai semafashamu ane dutu akabva mukuitika gore rino eCyclone Idai zvinova zviratidzo zvinoda kuti pave nekushandiswa kweruzivo rutsva mukurima.

“Zimbabwe inofanira kushandisa nzira dzekurima dzakanaka seruzivo rwechizvino-zvino rwakadai sekushandiswa kwemadrone, GPS system uye fetiraiza kuti nyika isaite nzara apo inowirwa netsekwende dzekusanduka kwemamiriro ekunze. Munguva  pfupi yadarika, bazi redu rakaparura chirongwa cheZimbabwe National Industrial Development Policy (ZNIDP 2019-2023)  icho chinofambirana necheTransitional Stabilization Policy (TSP) nechinagwa chekusimudzira mabhizimusi anosanganisira ekurima, kuunza ruzivo rutsva mukurima uye kutengeswa kwezvirimwa kune dzimwe nyika zvichiita kuti nyika iwane mari yekunze,” vanodaro VaNdlovu.

Vanoti vanofara zvikuru kuti kambani yeZFC iri kuzadzikisa zvimwe zvezvinangwa zvavo kuburikidza nekusimudzira nyaya dzemichina inogadzira fetiraiza kuti inge ichigadzirwa nehuwandu hwayo.

 

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *