Muchongwe, Katsvere vokwangwaya

Kingstone Mapupu
CHIREVO chinoti kare haagare ari kare chava kuzadzikiswa nekusanduka kwaita upenyu hwevarume vaviri vekumboita mukurumbira nekutamba nhabvu muno.

Edward Muchongwe (56) naLloyd Katsvere (54) — vose vari kugara mumusha weMbare, muHarare — vanoti vari kudya nhoko dzezvironda.

Vaviri ava vakasimudza mureza weZimbabwe munyaya dzenhabvu kutambura kusati kwavavinga.

Muchongwe akaita mbiri achitambira Dynamos, CAPS United nechikwata chenyika cheZimbabwe Warriors, kuchiti Katsvere akanetsa achitambirawo Dynamos nechikwata chenyika.

Vaviri ava vanoti zvinhu hazvina kuvamirira zvakanaka sezvo nhamo iri kuvatamba tsvina.

“Ichokwadi, zvinhu hazvina kumira mushe. Tinotoda rubatsiro, hatina mabasa ekuita zvikuru panguva ino apo vanhu tiri kunzi tigare mudzimba nekuda kweCovid-19,” anodaro Katsvere.

Anoti dzimwe nguva anomborarama nekutengesa chando (ice) rinova basa raanoti harifambe zvakanaka apo vagere pamba mazuva ano.

“Hakunawo zvikwata zvinodawo kutitora kuti tirairidze nhabvu, saka upenyu hwatiomera.

“Nechido chenhabvu, ini ndinombodzidzisa vechidiki pachena muno muMbare,” anodaro Katsvere.

 

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *