Mudede atambura nebundu

MUSIKANA wekuStoneridge, muHarare, ari kutsvaga rubatsiro kune veruzhinji rwekuti arapwe zibundu riri paziso rake, iro raanoti rinomurwadza zvikuru.

Rejoice Mudede (20), uyo kumusha anobva kwaMudede, kwaZvimba, anoti bundu iri akazvarwa ainaro.

“Ndatambura nebundu riri pamusoro peziso rangu rekuruboshwe. Amai vanoti ndakazvarwa ndakadaro, raimbova diki asi riri kuramba richikura zvekuti rave kuda kuvhara ziso.

“Musoro wangu unogara uchitema zvakanyanya uye dzimwe nguva ziso iri harione zvakanaka sezvo rave kuvharwa nenyama. Rimwe ziso racho rave kudairirawo richirwadza,” anodaro Mudede.

Musikana uyu anoshanda basa remumba uye anoti haakwanise kuita basa rake zvakanaka nekuda kwekurwadziwa nebundu iri.

“Vandinoshandira vanotondinzwira tsitsi, vanoguma vave kuita voga basa ini ndakarara. Kune vanokwanisa ngavandiyamurewo.

“Baba vangu, VaConstantine Mudede, vakafa mugore ra2008 zvekuti ndasara naamai chete, Mai Cecillia Mushaki, avo vanogara kumusha asi vasinawo cheuviri. Mumba medu hamuna anoshanda.”

Musikana uyu anoti akashairwa mari yekuenderera mberi nechikoro zvikaita kuti asiire chikoro panzira apo aiita Form 3 paMatoranhembe Secondary School, kwaZvimba.

“Kunze kwekurapwa ndikapora, ndinoda zvangu kudzokera kuchikoro ndigoitawo upenyu hwakanaka,” anodaro. une vanoda kubatsira musikana uyu vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 078 2 847 69, 0714 739 208 kana 0771 358 425.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *