Mudzimai opikira jeri kushinha nemwana (5) wemuroja

Sukulwenkosi Dube-Matutu

MUDZIMAI wekuGwanda ane makore 43 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore 17 mushure mekubatwa nemhosva yekushungurudza pabonde mwanakomana wemuroja wake ane makore mashanu okuzvarwa.

Sibonokuhle Nkala wekuVumbachikwe haana kubvuma mhosva iyi paakamiswa pamberi paGwanda regional magistrate, Mai Sithembiso Ndebele, avo vakamubata nemhosva nekuda kweumboo hwaimuroverera.

Akatongerwa kugara mujeri kwemakore 17.

Muchuchisi, Mai Zanele Sithole, vanoti Nkala akashinha nemwana uyu mumwedzi waMbudzi gore rakapera.

Dare rakanzwa kuti Nkala aishinha nemwana uyu asingaonekwe nemunhu.

“Pazuva risingazivikanwe asi mumwedzi waMbudzi 2025 musungwa akatora sikarudzi yemumhan’ari ndokushinha naye asina kuonekwa nemunhu,” vanodaro Mai Sithole.

“Nyaya iyi yakabuda pachena apo mumhan’ari akakurura hembe yemukoma wake ane makore manomwe okuberekwa ndokuzama kushinha naye.

“Mukoma wemumhan’ari uyu akazozivisa amai vavo avo vakazobvunza mumhan’ari kuti aiva adzidziswa kupi zvinhu zvakadai, mumhan’ari haana chaakataura uye amai vake vakamutsiura. Zuva rakatevera, mumwe muvakidzani akabvunza mumhan’ari kuti sei amai vake vakamutsiura, iye ndokutaura zvaainge aita,” vanodaro.

Mai Sithole vanoti muvakidzani uyu akazobvunzurudza mumhan’ari uyo akabuda pachena achitaura zvaakaitwa naNkala.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa zvakazoita kuti Nkala asungwe.

Mukuzvidavirira, Nkala akaramba mhosva iyi achiti amai vemumhan’ari nemamwe maroja vaimuitira hutsinye nekuti ainge awedzera mari yerendi nekudaro vaida kumukaurisa nekumupomera nhema.

Pakupa mutongo, Mai Ndebele vanoti mukubvunzurudzwa kwakaitwa mumhan’ari mudare airamba achitaura mashoko anoenderana kureva kuti aitaura chokwadi.

Vanoti hapana chinoratidza kuti mumhan’ari anogona kunge akafurirwa nemumwe munhu kuti anyepere Nkala.

Mai Ndebele vanoti mumhan’ari mukurondedzera kwake akati Nkala ndiye akamudzidzisa nyaya dzepabonde.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *