Mudzimai orohwa ari musvo

. . . otiza vanhu vachimuonerera

Gamuchirai Muzanenhamu—

MUKADZI akaroorwa anoti murume wake ane tsika yekumurova asina kupfeka izvo zvinoita kuti atize mumba ari musvo, vavakidzani nevamwe vanhu vanodarika vachingomuonerera.

Anoti kutiza asina kupfeka kuri nani pane kuti akuvadzwe kana kumirira kupondwa  achimbopfeka hembe.

Shupikai Mazivanhanga akamhan’arira Charles Matenga kuHarare Civil Court achitsvaga gwaro rinomudzivirira.

“Ndanzwa nekurohwa zuva nezuva. Dzimwe nguva ndinotiza mumba ndisina kupfeka nekuti ndinenge ndave kuona kuti pamwe ndingafe, ndotoona kuti kubuda mumba ndichionererwa nevamwe ndiri mupenyu kuri nani pane kuti ndife ndakapfeka hembe,” anodaro mudzimai uyu.

Anoenderera mberi achiti Matenga anocheka-cheka magemenzi nembatya dzake dzekubasa kuitira kuti agare pamba.

“Haadi kundiona ndichibva pamba zvekuti magemenzi angu ekuchechi akaacheka-cheka zvose nemayunifomu angu ekubasa achiti haadi kuti ndibve pamba nekuti haandinzwisise mafambiro angu,” anodaro Mazivanhanga.

Anoti nekuda kwekunetsana kwavo, muridzi wepamba pavanogara ave kuda kuvadzinga.

“Muridzi wepamba patiri kugara akati achatidzinga pamba pake kana tikaramba tichinetsa achiti hazvisi kupa mucherechedzo wakanaka kuvana vake uye ava kugara achitya,” anodaro Mazivanhanga.

Matenga anopikisana nechikumbiro chemudzimai wake achiti anomuda uye anoda kukumbira ruregerero.

“Ndinopikisana nechikumbiro chake nekuti mudzimai wangu wandakaroora uye ndinomuda.

“Ndiri kukumbira ruregerero kwaari rwandiri kuziva kuti anondiregerera pasina zvekuunzana kumatare,” anodaro Matenga.

Mutongi Manasse Musiiwa akapa Mazivanhanga gwaro redziviriro.

Related Posts

Mwanasikana (6) afa arohwa, ndokubatwa chibharo

Raymond Jaravaza MAPURISA ekuBulawayo ari kuferefeta nyaya inosuwisa zvakanyanya yemwanasikana ane makore matanhatu okuberekwa uyo akafa mushure mokunge abatwa chibharo pamwe chete nekurohwa nevamwe vakomana vatatu. Mwana uyu (zita tinaro)…

Mbavha (43) yoti yakatanga kuba iri Grade 3

Danisa Masuku MURUME ane makore 43 okuberekwa wekuBulawayo akatanga kuba ari Grade 3 izvo zvakazoona achipara mhosva 26 dzekuba mudzimba pamwechete nemumalodge uye ndokuzotongerwa kugara mujeri kwemakore mapfumbamwe mushure mekubvuma…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *