Mudzimai oti akamanikidzwa kushinha nedzvinyu . . . senzira yekumuroyonora kubva kurukawo

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI ane makore 23 okuberekwa wekuChitungwiza anoti akamanikidzwa kushinha nedzvinyu mushure mezvo ndokuzobatwa chibharo kakawanda nemurume waaimbodanana naye zvichinzi iyi yaive mhiko yekumuroyonora rukawo kuitira kuti azoisaite dambudziko kana azoroorwa nemumwe murume.

Nyaya iyi yakabuda mudare reChitungwiza Magistrates’ Courts.

“Patakaenda kudhamu reManyame uko akanga ari kuti ari kuda kuita mhiko dzekurasa kondomu ratakamboshandisa muna2023 apo tainge tichiri murudo, ndipo paakataura kuti ainge achida kuita bonde neni kuti andiroyonore asi ndakaramba. Akabva andipa sarudzo yekunoita bonde nedzvinyu iro ainge akaisa muchigaba, saka ndakasarudza kunoita bonde nedzvinyu. Zvisinei, akazodzoka zvakare ave kuti ndainge ndatyora mhiko achiti n’anga yake yakanga ichida kuti ndiite bonde naye. Izvi zvakaita kuti azoita neni bonde katatu panzvimbo dzakasiyana achindityisidzira nerufu,” anodaro mudzimai uyu.

Tatenda Justice Charamba (25), uyo anova mushandi wekanzuru yeChitungwiza, akaramba mhosva yaaipomerwa yekubata chibharo asi dare rakamuwana aine mhosva zvichitevera umbowo hwaimuroverera.

Mutongi wedare iri, Mai Gloria Takundwa, vakamupa chirango chekugara mujeri kwemakore gumi pamhosva imwe neimwe (pamhosva nhatu dzekubata chibharo) izvo zvakamusiya aine chirango chekugara mujeri kwemakore 30.

Zvisinei, vakazomubvisira makore gumi pachirango ichi nekudaro achapika makore 20 mujeri.

Pamhosva yekutanga, muchuchisi Tendai Ruwocha, vanoti yakaparwa mumwedzi waKukadzi gore rino apo Charamba akaenda kunoona mumhan’ari ndokumuzivisa kuti ainge akaita hushereketwa achishandisa kondomu iro ravakamboshandisa muna2023 vasati varambana.

Charamba akaudza mumhan’ari kuti aida kumubatsira sezvo vakanga vaita sungano iyo yaizokanganisa upenyu hwewanano yake nekudaro akati mhiko iyi yaizonosunungurirwa kudhamu reManyame padyo neLeisure Centre kuChitungwiza kwakare.

Mumhan’ari akamuudza kuti akanga asingafariri kuita zvechivanhu asi Charamba akaramba achiti vanofanira kuita hurongwa uhwu kuti aponese hupenyu hwake, hwevabereki vake nehwemukomana wake.

Nomusi wa19 Kurume gore rino, Charamba akaenda nemumhan’ari kudhamu reManyame, ndokumutyisidzira nerufu uye panguva iyi aive nebhodhoro raive nekondomu rakamboshandiswa, nyoka, manhenga eshiri nejira dzvuku iro raive rakanyorwa mazita avo.

Akakanda bhodhoro raive nekondomu riye mudhamu vachibva vaparadzana.

Muchuchisi Ruwocha vanoti nomusi wa21 Kurume gore rino nenguva dzemanheru, Charamba akaenda kune mumhan’ari ndokumuudza kuti vakanga vakanganisa mhiko zvakare achiti ndiye aifanirwa kukanda bhodhoro mudhamu nekudaro vaifanira kugadzirisa chivanhu ichi kana kuti vose vaizofa kana kurasa njere, kusanganisira mhuri yavo yose.

Akazoudza mumhan’ari kuti aifanira kurara naye asi akaramba uye akamutyisidzira achiti aizouya nenyoka, datya nedzvinyu kuti arare naro achibva aramba zvakare.

Akaenderera mberi nekumutyisidzira ndokumupa sarudzo yekurara naye kana dzvinyu, kusvika asarudza dzvinyu raakanga auya naro riri mugaba achibva amutambidza achibva aenda.

Muzuva rakatevera, Charamba akaridzira nhare mumhan’ari ndokuti n’anga yake yakanga yamuudza kuti aite bonde naye kwete dzvinyu zuva risati radoka uye ndokumutyisidzira zvakare nerufu.

Kwave kuma3 masikati, mumhan’ari akaenda kumba kwaCharamba nekutya achibva akaita bonde naye vachishandisa dziviriro.

Mushure mechiitiko ichi, Charamba akaudza mumhan’ari kuti vaifanira kuita hurongwa humwechete pane dzimwe nguva mbiri dzakasiyana pasina kusvetuka mazuva kana kukanganisa hurongwa uhwu.

Charamba akaudza mumhan’ari zuva raitevera kuti vaifanira kuita hurongwa hunotevera musi wa27 Kurume gore rino uye akamuyambira kuti asafumure nyaya iyi kuvanhu.

Pamhosva yepiri, Charamba akashandisa nzira imwechete yekutyisidzira mudzimai uyu nerufu achimubata chibharo.

Nyaya iyi yakaitika nomusi wa27 Kurume gore rino usiku apo Charamba akasvetuka mudhuri kuti apinde mumba memumhan’ari ndokumuudza kuti akanga atomumirira kuti varemekedze chirangano ichi senzira yekuzadzikisa mhiko dzen’anga.

Vakaenda kugaraji ndokubva Charamba amupa mvura yaive nemushonga nemafuta ekumwaya pamuviri wake ndokumubata chibharo kamwechete pasina kudziviriro.

Mushure mechiitiko ichi, akamuudza kuti asafumure gure iri. Akabva asiya amuudza rimwe zuva raitevera kuti vazoita chirangano chemhiko dzekumuroyonora kuburikidza nechibharo.

Mhosva yetatu yakaparwa nomusi wa10 Kubvumbi gore rino manheru, apo Charamba akaenda kusango riri padyo nepabasa pake pamahofisi ekanzuru yeChitungwiza ndokuridzira nhare mumhan’ari achiti auye nechipfeko chake chemukati nechemukomana wake nekukasika asi akabva asvikomubata chibharo.

Mushure mezvo, akapisa mabhurukwa aya nekondomu ravakamboshandisa pakubata chibharo pakutanga mumwedzi waKurume gore rino.

Sokunge izvi zvakanga zvisina kukwana, akapfuurira mberi kumuudza kuti vaifanira kudzokorora kuita kuti ayambuke pamhiko yerufu rwainge akatarisana naye.

Mudzimai uyu akaramba kuita bonde naCharamba uye akabva amutyisidzira achiti aifanira kurara naye pakati pemusi wa4 – 10 Chikumi.

Zvisinei, mumhan’ari akabva amutarira kuti zvakanga zviri nani kuti vanobatsirwa nemufundisi wake pane kuti arambe achimubata chibharo sezvo mhiko dzacho dzairatidza kusapera.

Charamba akamuti asaudze mufundisi nezvenyaya iyi kana ani zvake asi kuti aifanira kungozvichengeta muhana yake.

Akazoudza mumhan’ari kuti kuchenurwa kwake kwakange kwapera mushure mekunge aramba kubatwa chibharo.

Akati chainge chasara kwaive kumuripira mari yekushandisa kondomu rekutanga pamhiko dzaakamuitira asi mudzimai uyu akaramba kuripwa.

Charamba akabva amutaurira kuti kana achinge aramba kuripwa mari iyi aizonoipa amai vemumhan’ari kana kuikanda pachivanze chavo sezvo yaive mhiko yaifanira kuzadzikiswa.

Nomusi wa31 Chivabvu gore rino, Charamba akamuudza kuti vaifanira kuita bonde kekupedzisira achiti pane vanhu vakavaona vachipisa mbatya dzemukati saka n’anga yake yakamuti adzokorore hurongwa uhwu izvo akaramba.

Nomusi wa4 Chikumi, mudzimai wechidiki uyu akashungurudzika zvikuru ndokufumura nyaya iyi kushamwari yake.

Shamwari yake iyi yakazomuudza kuti ataurire mufundisi wake uyo akabva amuudza kuti aende kumapurisa zvakaita kuti Charamba asungwe.

Magwaro ekwachiremba akavheneka mudzimai uyu akabudiswa mudare seumbowo.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×