Mufaro weVatendi yobika dambarefu rechina

Abel Ndooka

CHIKWATA chenziyo dzechitendero cheMufaro weVatendi Choral Group chiri mushishi kubika dambarefu racho rechina, iro rinotarisirwa kuparurwa muna Nyamavhuvhu.

Nhengo yechikwata ichi — Romeo Denhere — anoti vari kushanda zvakasimba mukubika kwavari kuita dambarefu iri, iro rinonzi “Ndosangana Naye”.

Anoti sechikwata, vane tarisiro yekuti dambarefu iri richagamuchirwa nemaoko maviri uye richatendeutsa vanhu vakawanda, vagoziva hukuru hwaMwari.

“Isu sechikwata, tiri mushishi kubika dambarefu redu rechina richange richinzi ‘Ndosangana Naye’, iro tinotarisira kuti richabuda muna Nyamavhuvhu kana zvikafamba zvakanaka.

“Shuviro yedu ndeyokuti titendeutse vanhu vakawanda, vazive kunaka kwaMwari, vagomunamata. Saka, tiri kushanda zvakasimba kubika dambarefu iri, iro richange rizere nenziyo dzinodzidzisa zvakanyanya,” anodaro Denhere.

Chikwata cheMufaro weVatendi Choral Group chakavambwa mugore ra2009.

Kubva chatanga kutsikisa mhanzi, chakaparura madambarefu anoti “Hatizi veNyika Ino”, iro rakabuda mugore ra2009, “Muzambiringa” (2012) uye “Tsime Reruponeso”, iro rakabuda muna 2018.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *