Mufi asati avigwa . . .Unonzi vata Nechitunha

Muchaneta Chimuka
KUBVIRA nakare, kunonzi kune vanhu vanoti kana akafa aine shungu, chigumbu kana kuti bundu, pane zviratidzo zvinooneka pamutumbi wake usati wavigwa kumakuva.

Zviratidzo zveshungu izvi zvinonzi zvinotopedzwa nekunge paitwa chivanhu icho chinozoita kuti shungu kana kuti nhuna dzemufi dziserere.

Semuenzaniso, vamwe vanhu vanonzi vanomuka kana kubuda mumvuri wavo muimba inenge yakaiswa chitunha. Mumvuri wemunhu afa unonzi unotoonekwa uri sekumadziro mumba munenge muchichemerwa mufi — chitunha chake “chakatoturikwa” kumberi.

Asi kune chimwe chiratidzo chinonzi chinoitwa nemufi, zvichituma hama dzepedyo kuti dzikasike kuita chivanhu — munhu mupenyu, wenyama pachake, anonzi avate kana kuti ashinhe nechitunha kuti mufi azovigwa asisina shungu kana bundu.

Munhu akafa ovata nemunhu mupenyu?

Zvinonzi kana mukadzi akaroorwa kana murume akaroora akafa aine shungu dzekunyimwa kana kusagutswa bonde nemudikani wake, pane zviratidzo zvinoonekwa pachitunha chake apo chinenge chichiri “kuturikwa” mumba.

Vanotevedza chivanhu vanoti, hazviite kuti chitunha chakadai chivigwe zviratidzo izvi zvisati zvagadziriswa, naizvozvo asara —angava mudzimai kana murume wemufi — anopihwa nguva yekupedza nhuna dzemumwe wake mushakabvu, chitunha chake chisati chanofushirwa kumarinda.

Apa mukadzi kana murume anopihwa nguva yekumbopinda mumachira — sezvavaisimboita achiri mupenyu — bundu remufi robva raserera.

Tsika iyi inonzi kune kumatunhu kwaichiri kuitwa nanhasi, kazhinji kacho zvichiitwa muchivande apo zvinongozivikanwa nehama dzepedyo-pedyo bedzi.

Kurara nechitunha? Vakawanda vanokahadzika nazvo vachiti tsika iyi yakashata sezvo vachiti mufi nemupenyu vanenge vapesaniswa nerufu, naizvozvo havasisiri pamwe chete — panyama nepamweya.

Zvinonzi kana izvi zvikasaitwa, mufi anotevera mumwe wake waasiya achimupa munyama wakakomba.

Sekuru Gwinyai Rutsito

Asi, uku hakuzi kutyora kodzero dzemudzimai kana murume anenge afirwa nemudikani wake here?

Kwayedza inozvitsvaga, ndokuita hurukuro neveruzhinji pamusoro petsika iyi.

Mbuya Chiedza Muindi (65) vekuWarren Park, muHarare, avo vanova murapi wechivanhu vanoti murume kana mudzimai akafa aine shungu dzekunyimwa bonde nemumwe wake, anotanga kuita mashiripiti chitunha chake chisati chavigwa.

“Kana ari murume, sikarudzi yake inoramba yakatirimuka kana kuti mutumbi wake unofuta zvekutadza kukwana mubhokisi. Izvi zvinoonekwa paya panonogezeswa mutumbi uchigadzirirwa kunovigwa. Panombokumbirwa madzisahwira kana vazukuru kuti vapopote vachimutukirira sekuti, ‘Iwe vata zvakanaka, wasiirei mudzimai uchiri kumuda”.

“Pamwe vanombotova nemvura inodziya asi kana zvichinge zvaramba, ndipo panozodaidzwa mudzimai wacho onzi aende mumachira nechitunha chemurume wake, onyepedzera kunge ari kushinha nacho,” vanodaro.

Vanoti panoitika izvi, chitunha chinotomboburitswa mubhokisi, choradzikwa sekunge munhu ari mubhedhuru kuti chivanhu ichi chiitwe.

“Kana zvikangoitwa nemazvo, munotoona chitunha chiya chaserera mobva maziva kuti zvatambirwa nemufi, bundu rake rapera,” vanodaro.

Sekuru Gwinyai Rutsito — avo vakafanobata chigaro chemutungamiriri wesangano reZimbabwe National Practioners Association (ZINPA) — vanoti tsika yekuti mupenyu apinde mumachira nemumwe wake afa inoitwa muchivande uye ichiri kutevedzwa.

“Chivanhu ichi chichiri kuitwa zvakanyanya senzira yekudzivisa kuti mufi asamukire mupenyu sengozi. Kana mudzimai akafa aine nhuna kana bundu rerudzi urwu, anogona kupfuka ngozi inonetsa mumusha apo munonzwa munhu achidzoka achigwedemudza midziyo mumba.

“Kuvanhukadzi, kazhinji hakuna zviratidzo asi kuti anogona kunge aigara achiudza hama dzake nyaya iyi, saka vanozozvidura parufu kuti hama yedu yainyunyuta. Nokudaro panenge poda muripo wemombe kana mari.

“Kana mukuwasha asina mari panguva iyoyo, anogona kutambidza vanasahwira kamuti kechibatiso kuratidza kuti nyaya iri munzeve uye ichagadziriswa kana achinge aenda kunoshava,” vanodaro.

VaRutsito vanoti kana mhosva ichinge yabvumwa, hama dzemudzimai dzinozopopotera mufi, mukuwasha akamira pedyo, kuti shungu dzemufi dziserere.

“Kana tsika iyi ichinge yaitwa, chiso chemufi chinoratidza kufara, ndipo paya pamunonzwa vanhu vachiti chitunha chakasekerera kana kuchema.

“Izvi zvinhu zvinoitika nekuti chinofa inyama asi mweya wemunhu unoramba uchitenderera panzvimbo yaanenge ari. Kana chivanhu chikasaitwa munoona munhu achingoroora kana kuroorwa asi vachirambana kana moshaya kuti chii izvo mweya wemufi ndiwo unenge uchimudzingira. Vakadzi saka ‘bikiro’ remuripo rinofanira kuitwa,” vanodaro.

Kuchiti Mai Helen Mushonga-Chidamahiya (42), avo vanova murapi anoshandisa makwenzi (herbalist), vanoti kana murume achinge afa aine shungu dzerudzi urwu, mukadzi anopinzwa mumba mune chitunha chemurume wake, omugarira pasikarudzi kusvikira chitunha chaserera.

“Kana ari mudzimai afa neshungu, murume anoitawo zvimwe-chetezvo, anotoita bonde nechitunha chake.Asi izvi hazvifambe zvichiudzwa vanhu nekuti vanogona kuita mafungiro akashata munhu akasekwa zvikazomushungurudzawo.

“Iyi itsika iri kutambirwa nekuti munhu haangazowanikwa ava kutanga kutya kurara nemunhu waaidanana naye achiri mupenyu sezvo mhiko yewanano ichiti kudzamara taparadzana nerufu. Handifunge kuti kune zvirwere zvingauya nekuda kwechivanhu ichi nekuti munhu anenge afa, inga vamwe vanotopa tsvodo kuchitunha wani,” vanodaro.

Kuchiti Pastor Joseph Mudariki (29) vechechi yeRevelation of Jesus Christ vanoti chivanhu chinofanira kutevedzwa sezvachiri asi vanhu havafanire kuzokanganwa matambudziko anozosara achisangana nemunhu anenge aitiswa chivanhu ichi sezvo zviine kumbunyikidza mukati.

“Hongu, vanhu kana vachitenda muchivanhu vanofanira kuita saizvozvo kuti zvifambe, asi ndinotyira nyaya yekuti munhu anorara nechitunha uyu ozosara achishungurudzika muupenyu hwake hwose. Bhaibheri rinoti kana munhu afa haana chaanoziva asi mupenyu anosara anogona kuzosara achizvidya mwoyo nekuzvishora nekuti kutaura chokwadi, chero manga muchidanana zvakadii, handi nyore kurara nechitunha.

“Kunyangwe kuti uudze shamwari dzako kuti ndozvawakaita handiti dzinotofunga kuti unoita zvemishonga. Tsika nemagariro zvakanaka kana zvisingatyore kodzero nemufaro wevanhu munyika,” vanodaro.

Mai Judth Nyamayevhu (35) vekuWaterfalls – avo vanova murapi wechivanhu zvakare – vanoti kana munhu achinge afa aine shungu nemudikani wake, zvikuru kumazera echidiki, pane chivanhu chinoitwa chekupatsanura vaviri ava kuitira kuti mufi asazotevera mumwe wake kana kuti “kumugara pamhanza” izvo zvinoita kuti azokundikana kuroorwa kana kuroora.

“Kune vamwe varume kana vakadzi vanogona kupfuka kana kutevera mudikani sevanhu vaiita tsika nditsikewo. Saka vanorevererwa sekuti, ‘Iwe wafa nhasi mweya wako ngaurege kutevera mupenyu, musiye aiitewo raramo yake sezvo asara ari mupenyu nekuti nyama dzake dzichadawo murume kana mukadzi sezvaizongoitawo iwe kana kudai wanga uri mupenyu,” vanodaro.

Vanoti kana chivanhu chekupatsanurwa – sekuya kunoitwa mapatya kuti vasaite zvinhu zvakafanana – chikasaiitwa panofa mudikani, zvinomutsa rushambwa apo mudzimai anotadza kuzoroorwa kana kuti murume haazoroora zvakare.

“Kana murume akagara pamhanza pemudzimai wake, zvinoreva kuti mumvuri wake kana kuti mweya wake unenge uchingodzungaira paari. Saka kana vamwe varume vakada kumupfimba, vanopera simba nekushaya hanya naye nekuti vanenge vachitomuona semunhurume iye ari mukadzi.

“Izvi zvimwe chetezvo nemurume akagarwa pamhanza nemudzimai, anotoonekwa semukadzi nevamwe vakadzi saka vanhu vakadai havafe vakaroorwa kana kuroora zvakare,” vanodaro.

Zvichakadai, mamwe masangano anomirira kodzero dzevanhukadzi anoti kuita uku kumbuyikidzwa kwakaipa uko kunoitwa madzimai apo anorariswa nezvitunha zvevarume vavo senzira yekuedza kuzadzikisa tsika kana kuti zvido zvemunhu afa.

Pasi pemutemo weCriminal Law Codification and Reform Act, imhosva huru kushinha nechitunha uye kana zvikamhan’arwa, vanoita izvi vanosungwa vagotongwa nenyaya yekutamba nechitunha (Tempering with a corpse).

Tumirai zvamunofunga pamusoro penyaya ino panhare dzinoti: 0714 200 007

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×