MUFUNDISI wechechi yeLiving Word Church kuBeatrice akasungwa nemapurisa eko achipomerwa kuponda mudzimai wake ndokuviga chitunha chake pasi pemubhedha asati atizira kuMalawi.
Madaliso Ranch (32) anonzi akaponda Pamella Muzondo (27), uyo waaigara naye panhamba B37, kuBeatrice.
Mukadzi uyu anonzi ange achishanda pachikoro chebhodhingi cheBeatrice Primary School.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Nobert Muzondo, vanoti mufundisi uyu anofungidzirwa kuti akasiya auraya mudzimai wake – Mai Mufundisi – ndokuviga chitunha pasi pemubhedha muimba yavo yekurara achibva azotizira kuMalawi.
Madaliso anonzi akazokwezvwa nehunyanzvi hwemapurisa kuMalawi izvo zvakaita kuti adzoke muZimbabwe achibva asungwa.
“Semapurisa, tiri kuferefeta nyaya yamufundisi anonzi akasiya auraya mukadzi wake ndokuisa mutumbi wake muzidhishi rekuwachira iro akazoviga pasi pemubhedha riine mvura. Murume uyu tinaye uye ari kubatsira mukuferefetwa kwenyaya yaari kupomerwa yekuponda aiva mudzimai wake,” vanodaro Insp Muzondo.
Zvinonzi mufundisi uyu nemusi wa25 Chikunguru nenguva dzemasikati, akapa vana vake vaviri vanoti wemakore mana newemapfumbamwe okuberekwa mari yaikwana $50 kuti vaende kuchitoro chepedyo kunotenga zvekudya.
Vana ava vanonzi pavakadzoka akazovataurira kuti vaende kwaambuya vavo, Laina Muzondo, kupurazi reTavistock rinova chinhambwe chemakiromita anodarika matatu kubva kurukisheni rweBeatrice.
Laina ndiamai vemushakabvu.
Insp Muzondo vanoti vana ava pavakabva kuchitoro kwavakanga vanotenga zvekudya, vakasvikoudzwa nababa vavo kuti amai vavo vaizononoka kudzoka kubasa saka vaifanirwa kuenda kwaambuya vavo.
Madaliso anonzi zvakare akataurira vana vake kuti vasvikonyepera ambuya vavo kuti vainge vataurirwa nemukuru wekuchechi kwavo, VaStanford Bonde, kuti vaende kwaambuya vavo sezvo amai vavo vaizononoka kubva kubasa. Laina anonzi akasvikobvunza vana ava kuti sei vakanga vafamba voga rwendo rwakadaro, vachibva vatsanangura mashoko avakanzi nababa vavo vataurire – ekuti vakanga vataurirwa naBonde kuti vauye kumba kwavo.
Laina anonzi akazogara kusvika nemusi wa28 Chikunguru apo mumwe aishanda naPamella kuchikoro cheBeatrice Primary School akauya achibvunza kuti sei akanga asina kuuya kubasa nemusi wa27.
Nekuda kwemashoko aya, Laina anonzi akazobvunza vana zvakare nezvenyaya iyi kuti vataure chokwadi. Vanonzi vakazoburitsa mashoko ekuti baba vavo ndivo vakanga vavaudza kuti vanonyepera ambuya vavo kuti vainge vatumwa naBonde. Nyaya iyi yakabva yasvitswa kumapurisa.
Veruzhinji vanonzi ndivo vakazozivisa mapurisa kuti pane imwe yedzimba dzemhuri iyi yaisavhurika nekuti yaiva yakakiiwa. Mapurisa akazovhurwa mumba umu ndokuwana mutumbi wemuchakabvu uri muzidhishi rine mvura pasi pemubhedha.
“Mapurisa pavakapinda vakabva vavhura pasi pemubhedha vakawana mutumbi waPamella Muzondo wakaiswa mudhishi rekuwachira regreen raiva nemvura zhinji,” vanodaro Insp Muzondo.
Senzira yekuda kunzvenga mhosva, mufundisi uyu anonzi paakaponda mukadzi wake akanyora tsamba achiita sekunge yakanga yanyorwa naPamella kuna Bonde achiita seaiva nepamuviri pemurume uyu, sezvinonzi vaidanana.
Mutsamba iyi maiva nemashoko anoti: “Beloved Elder Stanford Bonde: From Asiri Kufara. Ndatumira disk naSusan but I am not happy nezvamakandiita. Ndobvisa pamuviri penyu pacho mave kundichita, hamuchauya mave kungogara kwamaiguru. Ndati ndikuzivisei hazvitore mazuva ndichazvitaura kuchechi kwenyu uye Mai Bonde ndichavabudira pachena kuti mainyepa muchiti ndiri kuenda kuprayer kuDombo, imimi mopinda usiku hwese muchindishandisa asi nhasi mondisvipa sechikorobho.
“Ndinochikufonerai nefoni yekubasa ndarakidza kurwadziwa uye nekupererwa, please respond kuti zvifambe mushe ndapota zvangu. Yours Mother.”
Nyaya iyi iri kufambira mberi nekuferefetwa. Insp Muzondo vanoti Bonde anonzi ari kuramba nyaya iyi.
Vanoti zvakare mufundisi uyu ainge achitsvagwa nemapurisa nekuda kwehuwori hwenyaya dzekutengeswa kwemasitendi.
Zvinofungidzirwa kuti panga paine kusawirirana pakati pamufundisi namai mufundisi nekuda kwenyaya yekutengeswa kwemasitendi iyi zvikazokonzera kuti vatange kurwisana.
Insp Muzondo vanoyambira veruzhinji kuti vatsvage vayananisi kana vachinge vatadza kuwirirana.



