Mufundisi odzoka munhandare

Abel Ndooka
MUTAMBI wekarate, Sensei Tawanda Mufundisi, uyo akatyoka gumbo rake achirwa kuDurban kuSouth Africa gore radarika, anoti ari kushanda nesimba kuti adzoke mumutambo uyu zvichitevera nguva refu yaapedza akagara asingakwikwidze. Mufundisi anoti gumbo rake riri kupora ave kukwanisa kufamba asina madhondoro uye pari zvino ari kutirena zvinyoro-nyoro saka anotarisa kudzoka mumutambo uyu kuzokwikwidza munguva inotevera. Mufundisi mumwe wevatambi vekarate vemuno vane mukurumbira wekugona pamwe nekuhwina mibairo yakasiyana.
“Gumbo rangu rave nani manje ndave kukwanisa kufamba ndisina macrutches, zviri mugwara zvese.

“Ndanga ndasuwa mutambo uyu zvakanyanya, ndinotarisira kuti ndichadzoka zvakasimba munguva inotevera kuzokwikwidza. Iye zvino ndiri kutirena hangu muHarare paBodytech Health Studio.

“Chinhu chikuru chandiri kunyanyoda kupora uye kudzoka munhandare ndigokwanisa kuenderera mberi nemutambo uyu,” akadaro Mufundisi.
Mufundisi akatyoka gumbo rake gore radarika apo aikwikwidza kumutambo weIKO kyokushinkaikan Matsushima Group World Karate Tournament kuSouth Africa. Akakuvara apo paakakava mutambi wekuUkraine uyo waairwa naye musemi-fainari yemutambo uyu.

Pamutambo uyu, Mufundisi akazokwanisa kuhwina menduru yebhuronzi.

Related Posts

Mahwekwe nebindu rembanje mapurisa achifeya nyaya yokuba

MAPURISA ekuChipinge akasunga mumwe murume svondo rapera mushure mekuona bindu raive rakadyarwa mbanje apo vaiferefeta nyaya yekubiwa kwepombi dzemadiridziro pane rimwe purazi reko, iyo yakanga isina chokuita nembanje dzakazowanikwa idzi.…

Motokari ine chitunha yabatira moto

Arron Nyamayaro VAMWE vanhu vaive parwendo rwekunoviga hama yavo kumusha vakamhanyidzana kubvisa bhokisi raive nechitunha mumotokari inotakura vafi zvichitevera kubatira kwayakaita moto kuArdbennie, muHarare nemusi weMuvhuro svondo rino. Vakaona izvi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×