Mufushwa une dovi

MUFUSHWA wemunyemba kudya kunovaka muviri kubva pasichigare uko kwaiita kuti vakuru vekare vagare vakagwinya uye vasingabatwe nezvirwere pose-pose.

Mumufushwa uyu munowanikwa kudya kunosanganisira iron inova inosimbisa mabhonzo. Kudya uku kunowedzera zvakare mared blood cells ayo anoita kuti muviri uwane mweya wekufema (oxygen) wakakwana.

Svondo rino Mai Nomsa Jere vekuGweru vanotsanangura mabikirwo emufushwa wemunyemba une dovi.

Zvinodiwa:

Mufushwa wemunyemba, munyu, mafuta, dovi, matomatisi nehanyanisi.

Mabikirwo:

Pane matanho mana anotorwa pakubika mufushwa wemunyemba.

Chekutanga, fashaidza munyemba nemvura ine soda kuti upfave.

Chigeza munyemba uyu nemvura inodziya.

Chiisa muchikari chine mafuta mashoma. Chekerera matomatisi nehanyanisi wokanda munyu wakaringana nemvura.

Siya zvikwate kweawa rose kana kudarika uchiwedzera mvura kusvika waibva.

Chitora dovi ukurungire kusvika zvasangana.

Vhara poto wodzikisa moto, siya zvishinyire kwemaminitsi maviri wobura zvako.

Usavi uhu hunodyiwa nesadza jena, remhunga kana rezviyo.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *