Mufushwa wemunyemba une dovi

MUFUSHWA wemunyemba kudya kunovaka muviri kubva pasichigare uko kwaiita kuti vakuru vekare vagare vakagwinya uye vasingabatwe nezvirwere pose-pose.
Mumufushwa uyu munowanikwa kudya kunosanganisira iron inova inosimbisa mapfupa.
Kudya uku kunowedzera zvakare mared blood cells ayo anoita kuti muviri uwane mweya wekufema (oxygen) wakakwana.

Svondo rino Mai Nomsa Jere vekuGweru vanotsanangura mamwe mabikirwo emufushwa wemunyemba une dovi.

Zvinodiwa:
Mufushwa wemunyemba, munyu, mafuta, dovi, soda, matomatisi nehanyanisi.

Mabikirwo:
Pane matanho mana anotorwa pakubika mufushwa wemunyemba.
Chekutanga, fashaidza munyemba nemvura ine soda kuti upfave.
Chigeza munyemba uyu nemvura inodziya.
Chiuisa muchikari chine mafuta mashoma. Chekerera matomatisi nehanyanisi wokanda munyu wakaringana nemvura.
Siya zvikwate kweawa rose kana kudarika uchiwedzera mvura kusvika waibva.
Chitora dovi ukurungire kusvika zvasangana.
Vhara chikari wodzikisa moto, siya zvishinyire kwemaminitsi maviri wochizobura.
Usavi uhu hunodyiwa nesadza jena, remhunga kana rezviyo.
Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×