Mugabe: Mamwe emashoko avo

Zimpapers Knowledge Centre

MASHOKO anotevera mamwe eakataurwa naCde Robert Mugabe apo vaive pamakungano akasiyana.

1

“Taunganidzwa pano naVaMasawi (Ephraim), ndivo vatikoka sekukokwa kwatakaitwawo nevamwe vatakaradzika panharaunda ino iyi. Nharaunda ino, tinoda kutsanangura zvakaisvonaka, inharaunda yevanenge vakaone-kwa kuti ava ndivo vakaisvogonesesa pahu-tungamiriri hwavo, pabasa ravo reChimurenga, rekurwira nyika.

“Saka inharaunda yevarwi veChimurenga . . . Haisi nharaunda yevanhu vanongonzi vatsvene. Vakawanda vatsvene, vakawandisisa vanobatsira vanhu . . . asi pano patiri panodiwa veChimurenga saka kana tava kuda vatsvene, vamwe vanogona zvakati-kuti, angave mabasa emumafactory, mabasa ezvekurima, mabasa mamwewo anoitwa, tada magamba orudzi irworwo totsvagawo rimwe gomo ndipo potoisawo vatsvene verudzi irworwo. Pano ndepevemutupo weChimurenga. Ndozvatakaitira nzvimbo ino. Asi pano tinoisa vaye vatinoti ava vaita shudhu. Uyu watiri kuisa pano ndemumwe wevamwe vakaita shudhu.” (Kukosha kweHeroes Acre, pakuvigwa kwaCde Ephraim Masawi, 30 Gunyana, 2010)

* * *

2

“Chido change chiripo kubva kuna amai kuenda kuvana, nekubva kuvana kuenda kuna amai. Chido change chiripo chizere. Asi kurasikirwa namai hakuna kufanana nekurasikirwa nababa. Ndakazviona ini pakashaya baba vangu muna 1945. Chido chaamai chinopfuura chababa. Mukomana uyu (Cde Mnangagwa), achaedza kuzvisimbaradza asi mai vanenge varimo muhana make.

“Kana ini ndinogara ndichifunga amai vangu. Hapana zuva rinodarika ndisina kufunga nezvavo.” (Cde Mugabe vachibata Cde Mnangagwa maoko, mushure mokunge vashaikirwa namai vavo, Mbuya Mhurai Mnangagwa, 9 Zvita 2010)

* * *

3

“Zvicherwa zviri pasi zvikomborero. Zvimwe ndinotenda Mwari nemidzimu yedu. Dai zvakawanikwa izvozvo nguva iyoyo, madiamond iwayo aya, oh hondo, Chimurenga yainge yakatitorera nguva ndefu ndefu; kwakauya masoja nemasoja kuno. But Mwari akazvivanza izvozvo. Neplatinum yanga isati yawanikwa. Saka tinofanira kutenda Mwari kuti zvimwe zvakanga zvakavanzwa. (Anti-sanctions Campaign Petition, 25 March 2011)

* * *

4

“Zvino, tokanganwa here kuti nyika yakafirwa? Tokanganwa here kuti yakarwirwa? Tokanganwa here kuti isu vapenyu tisu tave nebasa rekuichengetedza? Tinotoitakura kuti ititakurewo, kuona kuti hapana mutorwa achauya zvakare achiti ndine ganda jena kana pfumbu, kana rakadai. Kwete. Yakauya chose. Torega kurara hope dzatakarara 2008.” (PaNzvimbo High School, Chiweshe, Sarudzo dza2013)

* * *

5

“Tinenge tichiti vashandi vapihwe mari yakakodzera; vangave vashandi veHurumende. Takazvipira kuti nyika yedu ifambe. Hatingati vanhu ngavarambe vachizvipira. Vanhu ngavapihwe masalaries nemawages ari pamusoro. Zvimwe chete kumateachers nemamwe maCivil Servants. Ndozvimwe zvatinokuvimbisai.” (Mkoba Stadium, Gweru, Sarudzo dza2013)

* * *

6

“Vamwe vakatengesa, vamwe vachiri kutengesa. In this bracket are also those who are making vain attempts to be pseudo democratic leaders and liberators of this country! Vamwe vari kuchemera kuti koisuwo hatiiswe paHeroes Acre here?

“Isu tinoti, ‘Inga makomo akawanda, tsvagayi zvenyu zvikomo. Vatengesi tizopfuurawo tichiona kuti ndopavariwo apa. Ko zvinorambidzwa here?’ Asi pano ayehwa, takati Ayehwa. Kana. Hazviitike tiri vapenyu. Tafa, nemidzimu, hazvimboita kuti pauye vatengesi pano.” (Pakuvigwa kwaJustice Andrew Mutema paNational Heroes Acre, 29 Nyamavhuvhu 2015).

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *