Mugabe: ‘Zim tarasikirwa’

Malven Mugadzikwa naAbel Ndooka

ZVIZVARWA zvemuZimbabwe zvinoti zvarasikirwa zvikuru zvichitevera kushaya kwevaimbove mutungamiri wenyika, Cde Robert Mugabe, nemusi weChishanu svondo rapera.

Vange vave nemakore 95 okuberekwa.

Cde Mugabe vakashaikira kunyika yeSingapore uko vange vachirapwa.

Kwayedza inoita hurukuro nevanhu vemazera akasiyana avo vanoti Zimbabwe yarasikirwa zvikuru nekushaika kwaCde Mugabe.

VaJenfati Joniphati vanoti Cde Mugabe vakashanda zvakasimba kubvira muhondo yerusununguko rwenyika ino nemushure mekunge Zimbabwe yawana kuzvitonga kuzere.

“VaMugabe vakashanda basa guru kuti tive nekugarika kwataita uku nhasi. Vakashanda zvikuru nguva yehondo nehumwe hutungamiriri hwavaiva nahwo kusvika nyika yawana kuzvitonga kuzere. Kuburikidza nehutungamiriri hwavo, nyika yedu yakakwanisa kutora ivhu kubva kuvachena avo vakanga varitora nechisimba rikadzorerwa mumaoko evana veZimbabwe.

“Pari zvino tava kukwanisa kuzvirimira, tichidya tichiguta uye kutengesa zvirimwa zvedu tichiwana raramo,” vanodaro.

Vanotsigirwa naBoldwin Maposa achiti, “Ndiri munhu anofarira kusununguka kweAfrica uye kuzvitonga kuzere kwevatema. Mabasa akabatwa naVaMugabe anoenderana nezvishuviro zvangu izvi.

“Vakabatsira zvakanyanya kuunza chiso chitsva kuAfrica nenyika yeZimbabwe. Vaizivikanwa chero kunyika dzekumadokero – kunyanya dzevachena – kuti munhu aizvimirira, aimira nenyika yake nedunhu reAfrica pakutaura chokwadi nekumirira vatema.”

Mai Tsitsi Mazvireva vanoti Cde Mugabe vakarerutsa mamiriro ezvinhu munyika kuti vana veZimbabwe vakwanise kuzviitira mabhizimisi vakasununguka.

“Zimbabwe yakaita mbiri muAfrica nepasi rose kuburikidza nekupa ivhu kuvanhu vatema richibva kuvachena. Izvi zvakagoneka nekuda kwehutungamiriri hwaVaMugabe. Ivhu ndiyo raramo yevanhu uye kuva nehutongi pamusoro pevhu renyika yako kwakakosha.

“Panyaya yefundo nezveutano, takavakirwa zvikoro nezvipatara zvakawanda. Zvose izvi tinozvitenda,” vanodaro.

Mai Mary Makuwerere vanotiwo, “Nhasi uno kugona kwatinoita kuzvitangira mabhizimisi nekuverenga nekutaura chirungu zvirongwa zvakaiswa naVaMugabe zvekuti mwana weZimbabwe akwanise kudzidza. Kwandiri, vanga vari mudzidzisi nekuti ndakadzidza zvakawanda kubva kwavari.

“Vaimirira zvizvarwa zveZimbabwe uye vaisada kutambura kwevatema mumaoko evachena.”

Kuchiti Gideon Madzikatidze anotiwo Zimbabwe yarasikirwa nababa venyika.

“Tarasikirwa nababa vakatisunungura nekuvhura pfungwa dzevazhinji muno nemuAfrica yose. Munyaya yedzidzo, VaMugabe vakabatsira mukusimudzira Zimbabwe. Nyika isati yawana kuzvitonga kuzere, takanga tiine zvikoro nemayunivhesiti mashoma asi kuuya kwaVaMugabe kwakaunza dzidzo yemhando yepamusoro kwete muZimbabwe chete, asi muAfrica yose,” anodaro Madzikatidze.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *