Ofemeswa neroja

Courtney Munodawafa
ROJA remuHarare rakazvuzvurudzirwa kudare redzimhosva nemuridzi wepamba paraimbogara richinzi riri kumushungurudza nekudzoka kumba kwake richimutuka zvinyadzi.

Clemence Chibusha akamhan’arira Casper Mukotekwa kuHarare Civil Court.

“Mukomana uyu aimbova muroja wangu, zvino ndinokumbira asauye pamba pangu kana kundifonera. Anondifonera achindituka zvinyadzi nekundityisidzira. Handizive kuti sei achindidaro zvinotondishungurudza,” anodaro.

Chibusha anoti Mukotekwa akamboenda kumba kwake akanopwanya-pwanya zvinhu zvake.

“Akabva pamba pangu munaKukadzi saka handione chinangwa chekuti adzokere sezvo tisisina hukama hunotibatanidza. Akambopwanya zvinhu zvemumba mangu ndikamumhan’arira kumapurisa akasungwa,” anodaro.

Mukotekwa anotiwo, “VaChibusha vari kuda kutora gwaro iri nekuti vanoda kuzondishungurudza. Handina kumbobvira ndatsika kumba kwavo kubva ndatama musi wa12 Chikumi gore rino. Ndinotya kuti ndakabvumirana negwaro iri vanogona kungondisungisa vandiona ndichingozvifambirawo hangu.”

Anoti Chibusha ari kurambira nezvinhu zvake zvinosanganisira iPad izvo zvaakamutorera paakange achiri kugara pamba pake.

“Anoda kunditadzisa kutora zvinhu zvangu. Chandinongoda kuwana zvinhu zvangu ivo votora havo gwaro rerunyararo,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo anoti nyaya ichazoenderera mberi nekutongwa kana Mukotekwa apihwa zvinhu zvake zvinonzi zvakatorwa naChibusha.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *